Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vasangana nemadzishe gumi nematatu ekuChimanimani neChipinge kuti vaonesane nezvekukosha kwekuti mhuri dzine misha yakaparadzwa neCyclone Idai dziendeswe kunzvimbo dzinofungidzirwa kuti hadzina kunyanya kutarisana nematambudziko akadai.
Bepanhau reHerald rinoti hurumende yakatowana nzvimbo yekuendesa vanhu ava, kunyange hazvo risina kutaura kuti vachaendeswa kudunhu ripi.
Kunyange hazvo hurongwa hwekutamisa vanhu uhwu huri kunzi hahusi kumanikidza vagari kutama, vamwe vagari vemumatunhu aya vanoti havasi kuzotambira kurudziro yekuti vasiye misha yavo iyi nezvikonzero zvakasiyanasiyana.
Vamwe vanonzi vari kuti havasi kuda kusiya makuva emadzitateguru avo, vamwewo vachiti havasi kuda kusiya minda yavo, umo vanga vachikwanisa kurarama kuburikidza nekurima vachidiridzira nemvura iri mutunzizi twakavapoteredza.
Vamwewo ndivo vanonzi vari kuti havasi kufara nedanho iri vachiti havana chivimbo nehurumende panyaya dzekutamisa vanhu idzi, vachipa semuenzaniso kwaChiadzwa nekuTokwe Mkorsi, uko kunonzi vanhu havasati vanyatsogarika.
Izvi zvatsinhirwawo nenyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira sangano reCentre For Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, avo vanoti zvakakosha kuti hurumende yaVaMnangagwa izadzise zvivimbiso zvainenge yapa kuvanhu.
VaMaguwu vanoti hurumende inofanirwa kuvakira vanhu vese dzimba, kwete kuti pazowanikwa vebato reZanu PF chete vachibatsirwa. Vanotiwo nyaya yehuwori inofanirwa kutarisisiswa vachiti hazvishamisi kuti midziyo yekuvakisa nemari zvinogona kupedzisira zvatsakatika.
Asi mumwe wevechidiki vebato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti hurumende yaVaMnangagwa yakazvipira kuona kuti vanhu vayo vabatsirwa, saka mutungamiri wenyika aenda pauzima kunosangana nemadzishe.
Facebook Forum