Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakabatana nevamwe vatungamiri vemapato anopikisa emunyika mukuparura zviri pamutemo chirongwa chekubaiwa kwenhomba yekudzivirira Covid-19 kuVictoria Falls, uko mutungamiri wenyika nevamwe vatungamiri pamwe nevakuru muhurumende vakabaiwawo nhomba iyi.
Mutungamiri webato reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, pamwe mutungamiri webato reLabour, Economists and African Democrats, Muzvare Linda Masarira ndevamwe vevatungamiri vanopikisa vakave pachiitiko ichi.
VaMwonzora vakanga vabva mukubaiwa nhomba yavo yepiri kuchipatara cheWilkins muHarare nezuro mangwanani.
Asi kushaikwa kwemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance, VaNelson Chamisa pachiitiko ichi kwakaita kuti vamwe vafunge kuti chirongwa ichi chave kutorwa mune zvematongerwo enyika, vachiti kusavepo kwavo mucherechedzo wekuti havadi kusangana naVaMnangagwa.
Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vari kuti sezvo VaChamisa vaine vateveri vakawanda munyika, nhengo dzavo dzakawanda dzinogona kusazopedzisira dzabaiwa nhomba yeSinopharm iyi kusvikira ivo VaChamisa mbune vabuda pachena vachibaiwa nhomba iyi, uyewo kuitambira vachikurudzira nhengo dzavo kuti kuti dzibaiwewo.
Asi mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti vanoshamiswa nevanhu vari kuti mutungamiri wavo ari kuisa zvematongerwo enyika muchirongwa chekudzivirira Covid-19 ichi, vachiti VaChamisa ndivo munhu wekutanga kukurudzira hurumende kuti iparure chirongwa chinobatsira veruzhinji kurwisana nedenda iri.
Vanoti Zanu PF neMDC-T, iyo vanoti yave chipoka cheZanu PF, ndiwo mapato ari kutoshandisa denda reCovid-19 mune zvematongerwo enyika sezvo vaiita misangano yavo yakasiyanasiyana vachiparadzira chirwere asi veMDC Alliance vachisungwa.
Doctor Sibanda vanotiwo VaChamisa vachabaiwa zvavo nhomba pavanoona zvakakodzera sezvo nyaya dzehtano hwemunhu dzichinangana nemwene wehupenyu, uye kana vakabaiwa zviri kwavari kuzivisa vana veZimbabwe, asi chavanoziva ndechekuti kana VasChamisa vakabaiwa nhomba iyi vana veZimbabwe vose vari kuzengurira vachamhanyidzana vachinobaiwawo.
Ukuwo, mutauriri waVaMwonzora, VaLloyd Damba, vanotiwo VaMwonzora ndivo mutungamiri webato rinopikisa ari kushambadzira zvakasimba kunaka kwenhomba kumhuri yeZimbabwe, vachiti bato ravo riri kuona kuti vanhu vave kuisa zvematongerwo enyika kana vachiona mashoko ari kuiswa pamadandemutande zvichitevera kuendawo kwaVaMwonzora kuVictoria Falls.
VaDamba vanoti mutungamiri wavo VaMwonzora vasiyana netsika yekungopikisa chose chaitwa nehurumende, vachiti maitiro avo matsva ekutaudzana nehurumende ndiyo nzira yekutsvaga nayo nhaurirano dzichagadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.
Vanoti bato ravo pamwe nemutungamiri wavo vacharamba vachikurudzira vana veZimbabwe kuti vatore nhomba iyi, zvisineyi nekuti yakawanikwa naVaMnangagwa.
Facebook Forum