Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voshoropodza Mabatirwo eNyaya yeHuwori neZanu PF


Vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaPatrick Chinamasa. VaChinamasa vakaudza Herald kuti kufumura vemabhizimusi vari kuita zvehuwori kunoita kuti hupfumi hwenyika hutadze kukura.
Vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaPatrick Chinamasa. VaChinamasa vakaudza Herald kuti kufumura vemabhizimusi vari kuita zvehuwori kunoita kuti hupfumi hwenyika hutadze kukura.

Mashoko akataurwa nevakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaPatrick Chinamasa, ekuti kufumura mazita evemabhizimusi vemunyika vakabudirira vanenge vachinzi vari kuita zvehuwori kunokanganisa kukura kwehupfumi hwenyika, akonzera mutauro munyika izvo zvaita kuti pave nemaonero akasiyanasiyana.

Munyori anoona nezvesarudzo mubato rinopikisa reMDC, Vajacob Mafume, vanoti mashoko aVaChinamsa aya anoita sekuti Zanu PF iri kuchengetedza vari kuita zvehuwori nekuti inodya navo.

VaMafume vanoti pakapinda hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, yakavimbisa kuti ichafumura vose vari kuita zvehuwori munyika, pamwe nekukurudzira vakaburitsa mari kunze kwenyika kuti vaidzose nekukasika, asi kusvika pari nhasi hapana chati chaitika.

VaMafume vanoti zvinoshamisa kuti vamwe vechidiki veZanu PF vakambomiswa kushanda mubato iri mushure mekufumura vamwe vemabhizimusi vavanoti vari kuita zvehuwori, vachiti vatatu ava vakanga vatevera kurudziro yemutungamiri wavo pamwe nebato yekuti huwori hufumurwe.

Asi nhengo yeZanu PF Central Committee, VaJoseph Tshuma, vanoti mashoko aVaChinamasa mashoko akanaka chose asiri kudzivirira vari kuita zvehuwori, asi kuti ari kukurudzira vanenge vaine humbowo hwekuti paitwa huwori kuti vamhan’gare kumapazi anorwisana nehuwori.

VaTshuma vanoti vanenge vaine humbowo huzere hwekuti paparwa huwori vanofanirwa kumhan'gara kumapurisa kana kuZimbabwe Anti-Corruption Commission nekuNational Prosecution Authority, kwete kumhanyira kuita misangano nevatori venhau pasina humbowo.

VaChinamasa vakaudza bepanhau reHerald kuti kufumura mazita evanenge vachipomerwa kuita zvehuwori kunoita kuti vemabhizimusi vanenge vafumurwa vatize munyika vachienda muhupoteri izvo zvisingazobatsire kukura kwehupfumi.

Vakatiwo upfumi hwenyika hunofanirwa kukudzwa nevemabhizimusi vemunyika, uye kuvafumura kunogona kuita kuti vekunze vatye kuzosima mari dzavo munyika.

Hurukuro naVaJoseph Tshuma pamwe naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG