Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Voshora Hurongwa Hwekuti Munhu Wese Afore Achishoropodza Zvirango


FILE - Vatsigiri veZanu PF vachifora muna 2010 vachishoropodza zvirango zvavanoti zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe. (Harare, Feb. 24, 2010).
FILE - Vatsigiri veZanu PF vachifora muna 2010 vachishoropodza zvirango zvavanoti zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe. (Harare, Feb. 24, 2010).

Hurumende inonzi iri kukurudzira zvizvarwa zvese zveZimbabwe kuti zvibatane pazuva rekukurudzira kubviswa kwezvirango remusi wa25 Gumiguru, iro rakatarwa nesangano reSADC richiti zvirango izvi zviri kurwadzisawo dunhu rekuchamhembe kweAfrica.

Nyika gumi nenhanhatu dziri mugungano reSADC dziri kutarisirwa kukurudzira kubviswa kwezvirango izvi.

MuHarare vanhu vanotarisirwa kufora vachibva paRobert Mugabe Square vachienda kunhandare yeNational Sports Stadium, uko kunonzi kuchaverengwa mashoko ekutsigira anobva kune dzimwe nyika.

Nhengo yevechidiki mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti vana veZimbabwe vanofanirwa kumbosiya zvekutarisa kuti ndevemapato api ezvematongerwo enyika pazuva iri, vobatana kuitira kutaura nezwi rimwechete.

VaMugwadi vanoti bato reMDC, iro vanopomera mhosva yekukumbira zvirango izvi, vanoti vanopikisa ava ndivo vanofanirwa kunge vatori pamberi kuti zvirango izvi zvibviswe.

Asi munyori anoona nezvesarudzo mubato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vanoti bato ravo harisi kuzobatana neZanu PF panyaya yezvirango iyi, richiti zvirango zviri kutorwadza vana veZimbabwe zvirango zvavari kupiwa nehurumende.

VaMafume vanoti hurumende yeZanu PF yatadza kuwanisa vana veZimbabwe hupenyu hwakanaka kuburikidza nekutadza kutonga kwayo pamwe nehuwori.

Vatsigiri veZanu PF vanogara vachifora vachishoropodza zvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzinoti America, Australia pamwe nesangano reEuropean Union.

Hurukuro naVaJacob Mafume pamwe naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG