Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeZvirango Yotsviriridza veZanu PF neveMDC Vachinakurirana Nyoka Mhenyu


America nemubatanidzwa weEuropean Union vakatemera vamwe muhurumende zvirango kuburikidza nekutadza kutonga kwehurumende yeZanu PF.
America nemubatanidzwa weEuropean Union vakatemera vamwe muhurumende zvirango kuburikidza nekutadza kutonga kwehurumende yeZanu PF.

Vakuru vakati mushonga wechironda kuchirapa. Izvi ndizvo zviri kukurudzirwa nevamwe kuti hurumende iite kana ichida kubvisirwa zvirango zvainoti zvakatemerwa nyika nenyika dzekumawirira.

Vanhu ava vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa zvacho zviri kunzi ndizvo zvakakoka zvirango izvi zvinosanganisira kuremekedza kodzero dzevanhu, kwete kumhanyira kuti vanhu vafore mumigwagwa vachiratidzira.

Vanhu ava vari kuti vanoda kuona kana paine chinoshanduka mushure mekufora uku, vachiti havaoni izvi zvichiita kuti America neEuropean Union vabvise zvirango zvavakatemera vamwe vakuru muhurumende pamwe nemakambani ainodyidzana nawo.

Asi vamwe ndivo vari kuti zvinhu zviedzwa, chembere yekwaChivi yakabika mabwe yakanwa muto, zvinoramba mazama.

SADC yakatara zuva remusi weChishanu, 25 Gumiguru sezuva rekutaura nezwi rimwechete kuti zvirango izvi zvibviswe. Hurumende yakatotara zuva iri sezororo renyika, uye iri kukurudzira kuti vanhu vese vabatane mukufora vachikukrudzira kuti zvirango izvi zvibviswe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yebato riri kutonga reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti MDC ndiyo yakanokumbira zvirango izvi kuAmerica neEuropean Union mushure mekutorwa kwevhu richipiwa kuvatema.

Asi mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols varamba kuti nyika yavo yakadzika zvirango nekuda kwenyaya yevhu, vachiti zvirango zvikuru zviri muZimbabwe zvirango zvayakazvitemera yoga kuburikidza kusaremekedza kodzero dzevanhu pamwe nehuwori.

VaNichols vapa semuenzaniso mabhiriyoni matatu emadhora anonzi haana tsananguro yakajeka kuti akashandiswa sei mushure mekunge adirwa kuzvirongwa zvekurima zveCommand Agriculture nePresidential Input Scheme, izvo zvinofanirwa kunge zvichibatsira varimi.

Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC, Muzvare Gladys Hlatywayo, vanotsinhirawo mashoko aVaNichols aya, vachiti huwori nekutonga nedemo kweZanu PF ndizvo zvauraya nyika, kwete zvirango zviri kutaurwa izvi.

Muzvare Hlatywayo vanoti chinongodiwa munyika kuti hurumende yeZanu PF igadzirise zviri kukurudzirwa nenyika dzekumawirira dzacho kana ichida kuti zvirango zvibviswe, kwete kufora vachitambisa imwe mari.

Asi VaChirumhanzu vanoti zvinozivikanwa nemunhu wese kuti MDC ndiyo yakakoka zvirango, vachiti zvinoonekwa nekuramba minda kwakaitwa nenhengo dzebato iri dzchitya kutsamwisa varungu. \

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG