Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzaVaCyril Ramaphosa Dzinokurudzirwa Kutaura neVanhu Vazhinji


Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa

Nhumwa mbiri dzakadomwa nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, kuti dziedze kupedza zviri kunetsa mu Zimbabwe dzinotarisirwa kusvika mu Zimbabwe chero zuva.

Zvichitevera zvinonzi kutyorwa kukuru kwekodzero dzevanhu, pamwe chete nekusungwa nekupambwa kwevanhu mu Zimbabwe, VaRamaphosa vakadoma VaSydney Mufamadi na Amai Baleka Mbete senhumwa dzavo ku Zimbabwe.

Bato ririkutonga, reZanu-PF, pamwe chete nemamwe mapato anopikisa vanoti vanotambira nhumwa idzi.

Nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika, VaJoey Mabenge, vanoti nhumwa idzi dzizive zvadziri kufambira uye dziite hurukuro nemativi ose, vachiti Zimbabwe yakakura uye mapato ane nhengo muparamende haasi iwo ega anofanirwa kunzwikwa.

VaMabenge vanoti nhumwa idzi dzitange dzanzwisisa kuti chinonetsa chii uye vazive kuti vavinga kuzogadzirisa zvinonetsa vanhu vose mu Zimbabwe, kwete zviri kunetsa hurumende yega.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG