Accessibility links

Breaking News

Makomiti eZanu PF ePolitiburo neCentral Committee Anozeya Mamiriro eZvinhu Munyika


Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa.

Makomiti epamusorosoro mubato reZanu PF anoti Politiburo neCentral Committee, asangana muHarare apo azeya zvakawanda zvinosanganisira mamiriro ezvinhu munyaya dzezvehupfumi, zviri kuitika mubato iri, pamwe nedzimwe nyaya.

Musangano wePolitiburo, uyo waitwa mangwanani, wabata nyaya dzakawanda dzinosanganisira pasvika gadziriro yemusangano mukuru wepagore webato iri uri kurongwa kuitwa muna Zvita gore rino.

Imwe nyaya yazeyiwa ndeyenhengo dzebato dzakambenge dzadzingwa mubato iri dzave kuda kudzoka.

Musangano uyu unonzi wasunga kudzosa vamwe vakanga vadzingwa vanosanganisira Amai Anastacia Ndlovu, avo vanzi vachange vari nhengo isina chigaro kwemakore maviri.

Asi vechidiki vaviri vakadzingwa vanoti VaKudzai Chipanga naVaInnocent Hamandishe vanonzi varambwa nebato iri.

Mutungamiri webato uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vazotaurawo pamusangano weCentral Committee waitwa masikati, apo vavimbisa kuti vachagadzirisa nyaya dzeupfumi.

VaMnangagwa vavimbisawo kuti vachabvisa pamabasa vose vanhu vari kunzi vakapinda mabasa vasingazivikanwe, kana kuti ma ghost workers.

Vatiwo huremo hwemari yekuAmerica hucharamba hwakaenza nehuremu hwe bond note.

VaMnangagwa vayambirawo kuti bato reZanu PF rine mutauriri mumwechete, kwete kungoti nhengo dzose dzingotaura pamadiro.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti havaoni misangano iyi iine chikuru chainoburitsa sezvo yagara ichingoitwa asi nyika ichingowondomoka zvakadaro.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG