Accessibility links

Breaking News

Heal Zimbabwe Trust Yodzidzisa Vanhu Pamusoro peBhiri reNPRC


Vagari vekumaruwa muZimbabwe vari kuita misangano neHeal Zimbabwe Trust (Photo: Courtesy of Heal Zimbabwe Trust)
Vagari vekumaruwa muZimbabwe vari kuita misangano neHeal Zimbabwe Trust (Photo: Courtesy of Heal Zimbabwe Trust)

Sangano reHeal Zimbabwe Trust rinoti misangano yariri kuita nevana veZimbabwe pamusoro pebhiri remitemo yekomisheni yerunyararo nekuregerera yeNational Peace and Reconciliation Commission iri kuratidza kuti vanhu vakawanda havana kana ruzivo nezvebhiri iri kanawo komisheni yekuregererana iyi.

Mukuru wesangano reHeal Zimbabwe Trust VaRashid Mahiya vanoti sesangano vari kufamba nematunhu ose emunyika vachidzidzisa vanhu kuti vawane ruzivo pamusoro pezviri mubhiri iri.

“Tiri kuudza vanhu zviri mubhiri iri kuitira kuti kana komiti yeparamende yozopindawo muvanhu ichida kunzwa kuti vanofungeyi pamusoro pebhiri iri risati rave mutemo, vanhu vange vaine ruzivo,” VaMahiya vanodaro.

VaMahiya vanoti pamusoro pekudzidzisa vanhu, vari kuvakurudzirawo kuti vasunungukewo kutaura kuti zvii zvavanoda kuti zvinge zviri mubhiri iri.

Vanoti kusvika pari zvino sangano ravo raita misangano mumaguta anoti Chinhoyi, Marondera, Mutare neBulawayo, uye svondo rinouya riri kutarisirwa kuita mumwe musangano muHarare.

VaMahiya vanoti zviri kubvawo muvanhu zvinoratidza kuona kwakasiyanasiyana, sezvo vazhinji vavo vari kuti bhiri iri rine zvakawanda zvarisiri kubata pamusoro penyaya dzekuregererana.

Vanoti vanofunga kuti National Peace and Reconciliation Commission iyi ichange yakasiyana zvakanyanya nemamwe makomisheni akamboumbwa akaita seChihambakwe neDumbutshena sezvo yakaumbwa kuburikidza nebumbiro remitemo yenyika.

Hurukuro naVaRashid Mahiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG