Vana chiremba vachangopedza zvidzidzo zvavo, avo vaifanirwa kunge vakatanga mabasa muzvipatara zvehurumende mwedzi wapera, vanoti havasati vadzokera kubasa sezvo vasati vawirirana nehurumende pane zvavari kunetsana pamusoro pemagwaro ekupinda mabasa kana kuti ma contract.
Izvi zvinopikisana nemashoko akubiritswa nenhepfenyuro ye ZBC mukupera kwesvondo ekuti kunetsana kwaive pakati pavana chiremba ava nehurumende kwakanga kwagadziriswa uye vaifanirwa kuchidzokera mabasa nekukasika.
Mutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaAldrin Musiiwa, vanonzi vakaudza nhepfenyuro iyi kuti mativi maviri aya akanga asangana akawirirana, vakati vana chiremba vakanga vasati vadzokera pamabasa vaifanirwa kunge vadzokera kusvika pari nhasi.
Asi Dr. Martin Mlilo vanove mumwe chiremba vari kuziva zviri kuitika, vanoti hapana chakabuda pamusangano wakaitwa nevamiriri vavana chiremba nevehurumende neChishanu chapfuura sezvo hurumende isati yapindura vanachiremba pazvichemo zvavo.
βIsu takangoitawo zvekunzwa muzvitivhitivhi, saka handioni vanachiremba vachidzokera kumabasa. Vane zvichemo zvakawanda zvisati zvagadziriswa,β Dr. Mlilo vanodaro.
Zvichemo izvi zvinonzi zvinosanganisira kuti vanachiremba vabvumidzwe kuve nhengo dzemasangano anomirira vashandi pamwe nekuti vapiwe marezinesi anozovabvumidza kushanda muzvipatara zvisiri zvehurumende kanawo kui vazovhura masejari avo kana vapedza makore maviri ekushandira hurumende.
Pane mashokowo ekuti hurumende inenge yotora pfungwa yekurasa danho rekuti vanachiremba vatsva ava vasaine magwaro ekupinda mabasa avari kuramba kusaina aya senzira yekupedza nayo kusawirirana uku.
Zvipatara zvikuru zviviri zvemunyika zvinoti Harare Central neMpilo Central iri kuBualwayo zvakatozvisa kuti vzvekuvhara mativi anosvikira varwere nekuda kwekushomeka kwavanachiremba.
Studio 7 yakundikana kubata divi rehurumende panyaya iyi.
Asi Dr. Mlilo vanoti kusvika vaziviswa zviri pamutemo nehurumende paimire panyaya iyi vacharamba vachiramwa mabasa.