Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oyambira Vanhu Kuzvibata Kana Vopemberera Kusvika kweGore Idzva


ZRP spokesman Paul Nyathi
ZRP spokesman Paul Nyathi

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vati kupinda mumigwagwa vanhu chiita ruzha nedzimokori, vachirova mabhini kana kuita magungano edzisvondo hazvisi kubvumidzwa.

Mapurisa ayambira vose vachatyora mutemo yekudzivirira denda reCovid-19 vachipemberera gore idzva kuti vachasungwa.

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vati nyaya yekupinda mumigwagwa vanhu chiita ruzha nedzimokori, vachirova mabhini kana kuita magungano edzisvondo vanhu vachipepemberera kupinda mugore nedzimwe nzira dzinowanzoshandiswa nevanhu makore ese, hadzisi kubvumidzwa nekuda kwekupararira kuri kuita Covid-19.

Vati vanhu havafaniri kuita dambe neCovid-19 nekuti denda iri riri kuuraya vanhu muno nekune dzimwe nyika.

Asi vamwe vakaita saAmai Evernice Dube vanoti vange vatenga maFirecrackers uye vachaashandisa pamba pavo nemhuri yavo. Mwana wavo Evidence, audza Studio 7 kuti akamirira kupemberera gore idzva nhasi.

Asi vamwe vakaita saVaSalatiel Tsoka vanoti vaterera kurudziro yemapurisa uye vasiyana nezvekutenga maFirecrackers.

Vamwe vedzisvondo vanoti danho ratorwa nemapurisa rakashosha chose zvikuru mukudzivirira Covid-19.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Council of Churches, Reverende Keneth Mtata, vati vanhu vanokwanisa kunamata vari kudzimba kana pamadandemutandevachidzivirira kupararira kweCovid-19.

Mukuru weDestiny Network, Bishop Ancelimo Magaya, vati vanoona sekuti chiga chaitwa nemapurisa chinopokana nemutemo wakamboburitswa nehurumende unobvumidza kuti vedzisvondo vaungane vari muhuwandu hwakatarwa nehurumende.

Vatiwo vanoshushikana kuti vedzisvondo vanoomeserwa asi vezvematongerwo enyika vachibvumidzwa kuita madairo aJojina.

As iBishop Magaya vakurudzira vedzisvondo kuti vasangane vari muhuhwandu hunodiwa pamutemo pamwe nekutevedza nzira dzekudzivirira kupararira kweCovid-19.

VaNyathi vati vanhu havafaniri kuudzwa zvekuita nemapurisa kana nehurumende vachiti vanofanira kuzvichengetedza pachavo vega.

VaNyath vatiwo vasikana vakawanda vakabatwa chibharo munzvimbo zhinji munyika mumagungano akaitwa zviri kunze kwemutemo pakirisimasi neBoxing Day. Vati mapurisa asunga vanhu vane chitsama uye vari kuongorora dzimwe nyaya dzacho.

Zimbabwe iri kubatana nenyika dzepasi rese kupemberera gore idzva, ra2021, asi gore rino munyika zhinji pasi rese, mhemberero idzi hadzisi kuzoitwa semakore ese nekuda kwedenda reCovid 19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG