Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Okurudzirwa Kuita Basa neMazvo Munguva yeLockdown


Paul Nyathi -Police
Paul Nyathi -Police

Vanhu vakawanda vanoti vari kushushikana zvikuru nekufa kwakaita vanhu mutsaona yakaitika nezuro mudunhu reMasvingo panguva iyo vanhu vari kurambidzwa kufamba munguva dzemanheru.

Vanhu makumi maviri ava vakafa mutsaona yakaitika pedo nenzvimbo neMhandamabwe kwaChivi, nezuro zuva rodoka.

Mumwe mugari wekwa Madamombe kwaChivi, Amai Chenai Maguyo, vati zvinorwadza kuti vanhu vakawanda kudai vakafa varu mumugwagwa asi paine mitemo yakadzikwa inorambidza motokari kufamba nzendo refu.

Izvi zvatsigirwa naAmai Netsai Mashanda, avo vati mapurisa kunyange
pasina nyaya dzemutemo yelockdown, vakatadza basa nekuti vakabvumidza motokari yakange yakatakura vanhu vakapfurikidza kupfuura paroad block, izvo zvinoita kuti vanhu vakawamda vafe kana paitika njodzi mumugwagwa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Comissioner, Paul Nyati, vati
vari kuferefeta pose panotariswa mota nema road block pakapfuurwa
nemota idzi mumugwagwa weMasvingo-Zvishavane nezuro kuti vawane kuti chii chakaitika vozotora matanho akasimba.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC-Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati
vanochema nemhuri dzakarasikirwa panjodzi iyi asi vanopomera mapurisa
mhosva yekuita huori vachityorawo mitemo yeLockodown munyika.

Mutauriri wesangano rinoona nevekufamba kwakanaka mumigwagwa reTraffic Safety Council of Zimbabwe, VaTatenda Chinoda, vati vatyairi
vanofanira kutevedzera mitemo yekuchegetedza hupenyu hwevanhu
mumigwagwa.

Zimbabwe iri pasi pemitemo yeLockdown inorambidza vanhu kufamba kana nguva dzinobvumidzwa kufamba dzadarika izvo zviri kupa vakawanda kuti vapomere mapurisa mhosva yekutadza kuchengetedza mitemo yenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG