Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kuti Vasachengeta Mari Yakawanda Mudzimba Dzavo


ZRP Police Commissioner, Godwin Matanga
ZRP Police Commissioner, Godwin Matanga

Mapurisa eZimbabwe Republic Police ari kuyambira vanhu kuti vasachengeta mari yakawanda mudzimba dzavo, mumahofisi ebasa kana kufamba vakatakura mari zhinji, vachiti kuswera zuro muHarare, mbavha dzakanga dzakapakata pfuti dzakabira mumwe muzvinabhizimisi mari inoita zviuru makumi mana nezvishanu zvemadhora ekuAmerica (US $45,000) paakanga akamirira kuti robhoti richinje.

Kwemwedzi mishoma yapfuura, huwandu hwembavha dzakapakata pfuti dzichipinda mudzimba dzevanhu dzichitora mari yakawanda zvikuru pamwe nekuuraya vanhu huri kuwedzera, izvo zvakonzera mapurisa kuti ayambire vanhu kuti vasachengeta mari mudzimba dzavo kana kunzvimbo dzekubasa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvare Chenayi Mutambasere, vaudza Studio 7 kuti vanhu havachavimbi nemabhanga, vachiti kazhinji vanhu vanotadza kuwana mari yavo pavanenge vava kuida, sezvakaonekwa mazuva maviri Christmas isati yasvika, apo vanhu vakatadza kutora mari dzavo.

Muzvare Mutambasere vati vanhu havakanganwi zvavakamboitirwa apo vakamuka rimwe zuva vakaudzwa kuti huremu hwemari yavo yakanga iri mumabhanga hwakanga hwaenzana, dhora padhora, nedhora remuZimbabwe, izvo zvakakonzera kuti vazhinji varasikirwe nemari yavo, pamwe chete nemari dzemudyandigere dzakasiyiwa dzisisina basa.

Vanoti chimwe chinonetsa ndechekuti vanhu vane mari yavo, vanogona kuitengesa kana kuitenga pamusika mutema, izvo vanoti zvinovabatsira kupfuura zvirikuitika kumabhanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG