Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Vafi Vachachengeterwa Mumaguta Kana Munzvimbo Dzavashaikira


Hurumende inoti vashaya vanofanirwa kuchengeterwa munzvimbo kana muguta ravashaikira
Hurumende inoti vashaya vanofanirwa kuchengeterwa munzvimbo kana muguta ravashaikira

Zimbabwe Republic Police yazivisa kuti kubva nhasi, vanhu vanenge vashaya, vachangochengeterwa mumaguta mavanenge vashaikira, zvinoreva kuti hapachina zvokuenda nezvitunha ku maruwa kana munhu afira mudhorobha.

Bazi rezvehutano rinoti razivisa mapurisa kuti vamire kupa vanhu vafirwa magwaro ekuti vaendese mitumbi kune dzimwe nzvimbo kusina kushaikira mufi, richiti vafi vachangochengeterwa munzvimbo kana muguta ravashaikira.

Zimbabwe Republic Police inoti ichapa magwaro ekufambisa chitunha kubva muzororo, kana kuti ‘mortuary’, kuenda panonochengeterwa munhu muguta rimwe chete iroro.

Mapurisa ati mitumbi haichabvumidzwa kuendeswa kudzimba isati yachengetwa uye zvekuona mitumbi yevafi vasati vachengetwa hazvichabvumidzwi.

Bazi rezvehutano rati zvekare, vanhu vanenge vaenda kuguva kunochengeta mufi wavo, vanofanirwa kumira kure neguva apo mufi achidzikiswa muguva nevashandi ve zvehutano veguta kana nevashandi vekunyaradzo.

Dr Simbiso Ranga, vanoshanda mudunhu reNorth Carolina, vanoti zvakanaka chose kuti hurumende itore matanho ekudzivirira kupararira kwe coronavirus, asi vachiti zvinhu zvakadai zvinofanirwa kutenderanwa nevanhu zvisati zvadzikwa semutemo.

Vanoti zvainge zvirinani kuti hurumende itange yaita hurukuro nevanhu, madzishe nevamwe kuitira kuti vanhu vakwanise kuita zvinhu izvi vachinzwisisa sezvo vanhu vachida kuchengetedza chivanhu chavo nekukudza vafi vavo.

Dr Ranga vanoti mitemo iyi ichanetsa zvizvarwa zve Zimbabwe zvizhinji, munyika nekunze,sezvo tichivona kuti kunyange vanofira mhiri kwemakungwa vanosiya vanyora pavanoda kunochengeterwa kumisha yavo kumaruwa ku Zimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG