Accessibility links

Breaking News

Vagari Vofarira Chirongwa cheMapurisa Chinochengetedza Nharaunda Dzavo muChinhoyi


Kunyange hazvo vanhu vakawanda vasingafare nemashandiro emapurisa, pane vamwe vagari vemuChinhoyi vari kufara nemapurisa ayo ari kufambafamba munogara veruzhinji kunyanya nguva dzemanheru pazororo rekisimusi senzira yekudzivirira kuparwa kwemhosva.

Vagari ava vanoti kufamba manheru kuri kuita mapurisa vakapedzisira kuzviona makore akawanda apfuura.

Mapurisa vaifamba nemabhasikoro munogara vanhu nemumaguta senzira yekudzikisa kuparwa kwemhosva dzakaita sekuba idzo dzinonyanya kuparwa nguva ino yezororo.

Asi gore rino mapurisa ari kufamba mudzimba vachitaurira vagari kuti vasasiye dzimba dzisina vanhu ivo vachienda kuzororo pamwe nekukiya mikova yedzimba nguva dzemanheru kuti vasabirwe nematsotsi.

Mumwe weavo vari kufarira chirongwa chemapurisa ichi ndiVaDenford Gapare vanogara mumusha weveruzhinji weChikonohono.

VaGapare vanoti vanofara kuti mapurisa vave kufamba vachichengetedza vanhu munguva dzemanheru uye kuti varambe vachizviita kunyange zororo rapera.

VaGapare vanoti zvaitwa nemapurisa zvinoratidza kuti vanenge vabva mutsika yavo yekushandira mumigwagwa vachitorera vanhu mari yechioko muhomwe.

Mumwe mugari, VaKing Motsi, vanoti vafarira zviri kuita mapurisa zvekushambadzira vachiyeuchidza vagari kuti vasarasikirwe nemidziyo yavo kumatsotsi uye vedzimotokari kuti vasamhanyise motokari zvisiri pamwero.

Vakawanda vanoti mapurisa anofanirwa kushanda muvanhu kwete kuwandira mumigwagwa nekukamba.

Mune imwewo nyaya, mutevedzeri wemutauriri wemapurisa, Chief Inspector Paul Nyathi, vanoti huwandu hwenjodzi mumigwagwa hwanga hwakaderera kunyange vanhu vakafa musi wa24 Zvita vakawanda pane vakafa musi uyu gore rakapera.

VaNyathi vanoti vanhu gumi nevaviri vakafa manheru emusiwa 24 Zvita asi gore rakapera kwakafa vanhu vanomwe chete.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG