Accessibility links

Breaking News

Umwe Murume Anovharirwa Muchitokisi Achipomerwa Mhosva Yekutenderedza Zvemanyepo Panharembozha Yake


Mapurisa eZimbabwe Republic Police

Zimbabwe Republic Police (ZRP) yanyora paTwitter payo kuti mapurisa akasunga Lovemore Zvokusekwa we Chitungwiza, ane makore makumi matatu nematanhatu, vachimupomera mhosva yekutenderedza zvemanyepo pamusoro pe coronavirus panharembozha yake.

Rimwe remagweta aZvokusekwa, Amai Rose Hanzi, veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vaudza Studio 7 kuti Zvokusekwa akamiswa mberi kwedare redzimhosva nezuro akatadza kupiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti atongwe achibva kumba, vachiti akanzi adzoke kudare redzimhosva musi wa 13 Chivabvu 2020.

Akawanikwa aine mhosva, Zvokusekwa anogona kutongerwa makumi maviri emakore ari mujere. Tatatadza kubata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti vatsanangure zvaiswa paTwitter nemapurisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG