Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Opfapfaidza Mushonga Nzvimbo Dzakakomberedza Mbare Musika


Police and City Council Covid 1

Motokari dzinoshandiswa nemapurisa kudzivirira mhirizhonga kuburikidza nekumwaya mvura inovava muvanhu dzaswera dzichifirifita nzvimbo dzemuMbare senzira yekuuraya hutachiwana hweCoronavirus.

Vanhu vashomanana vange vari pamusika weMbare nenzvimbo dzakatenderedza musika uyu vamhanya vachitiza apo vaona motokari dzemaWater Canons dzeZimbabwe Republic Police, ZRP, vachifunga kuti dzange dzauya kuzovapfapfaidza mvura inovava asi izvi handizvo zvazoitika.

Asi motokari idzi dzange dzichishandiswa nekanzuru yeHarare neZRP kudira mushonga wekudzivirira kupararira chirwere cheCoronavirus pamusika uyu nenzvimbo dzakatenderedza.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo motokari idzi dzichizivikanwa nekuita rimwe basa, kanzuru yavo yaita mushandirapamwe neZRP kuitira kuti motokari idzi dzishandiswe kurwisa kupararira kweCoronavirus iyo yapararira pasi rose.

Vati vacharamba vachishanda neZRP kudzamara vakunda chirwere cheCoronavirus.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati Zimbabwe Republic Police yabatana nekanzuru yeHarare nechinangwa chekuchengetedza hutano hweveruzhinji zvikuru sei panguva ino apo nyika yakatarisana nedambudzik rechirwere cheCoronavirus.

Mumwe mugari wemumusha weMbare, Amai Margret Tangwena, vati vafara chose nezvaitika vachiti hutano ndiwo hwakakosha.

Vati zvakaitwa zvekumbovhara musika kuti ucheneswe zvinhu zvakakosha sezvo vachizoshandira pakachena.

Mumwe mugari wemuMbare, VaFarai Jera, vati vafara nechirongwa chekanzuru yeHarare neZRP.

Zvichakadai VaChideme vazivisa kuti kanzuru yatanga kugadzira zvibhorani zvakafa muguta mushure mekunge yawana rubatsiro rwezvekushandisa kubva kuUNICEF.

Vatiwo vatanga kuendesa mvura kunzvimbo dzisina mvura muguta senzira yekuona kuti munhu wese awana mvura yekushandisa kugeza sezvo zviri izvo zvinokurudzirwa kuitwa senzira yekudzivirira kupararira kweCoronavirus.

Pane vanhu vapfumbamwe vabatwa neCoronavirus munyika uye munhu mumwe chete Zorora Makamba, akashaya mwedzi wapera.

Pane vanhu mazana matatu negumi nevatanhatu vakaongororwa chirwere ichi, uye mazana matatu nevanomwe vakawanikwa vasina chirwere cheCoronavirus.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG