Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaMasendeke Hauna Kutakurwa Sezvo Mapurisa Asina Mafuta eMotokari


A woman walks past a "No Petrol" sign at a fuel station in Harare, Zimbabwe, Oct. 9, 2018.
A woman walks past a "No Petrol" sign at a fuel station in Harare, Zimbabwe, Oct. 9, 2018.

Mhuri yekwaMasendeke inoti yakundikana neChishanu kutakura mutumbi waVaTerrence Masendeke, kuitira kuti inouviga kumusha kwavo kuBuhera sezvo mapurisa ashaya mafuta ekufambisa motokari.

VaTerrence Masendeke, avo vaive nemakore makumi maviri nemashanu, vakapfurwa vakafa kuminda yemangoda kwaChiadzwa kwaMarange mudunhu reManicaland musi wa 15 Chivabvu.

Mutumbi wavo waongororwa nemusi weChishanu navana chiremba vakasarudzwa nemhuri zvichitevera imwe ongororo yakaitwa neChina nachiremba ainge akamirira hurumende.

Ongororo dzose mbiri idzi dzaratidza kuti mufi akapfurwa zvechokwadi sezvo awanikwa aine mabara pachipfuva chake, uye pagumbo.

Mutauriri wemhuri yekwaMasendeke, uye vari babamudiki wemufi, VaRichard Masendeke, vanoti vaudzwa nemapurisa kuti ndiwo achatakura mutumbi kuitira kuti unoradzikwa kuBuhera sezvo washata zvekuti hauiti kuti uendeswe kune imwe mochari.

Mapurisa ari kuziva zviri kuitika ayo asina kuda kuburitswa mazita awo sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau audza Studio7 parunhare kuti ichokwadi kuti paita dambudziko rekushaikwa kwemafuta edzimotokari.

Asi mapurisa aya ati tinzwe zvizhinji kubva kumutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, avo tatadza kubata parunhare rwavo.

Pakapfurwa VaTerrence Masendeke, mapurisa ekuManicaland akati akange asina ruzivo nezvakanga zvaitika.

VaRichard Masendeke vanoti ongororo dzaitwa pamutumbi wemwana wavo dzaitwa mushure mekunge vaendesa mapurisa kumatare edzimhosva ayo akapa mutongo wekuti mutumbi uyu uongororwe zvechimbi chimbi, uye kuti hurumende iwanise mukana mhuri yekwaMasendeke, wekuona mutumbi uyu, uye kuuviga panopera kuitwa ongororo.

Gurukota rezvemukati menyika, VaCain Matema, vaudza Studio7 kuti hurumende icharemekedza mitongo yematare edzimhosva.

Mufi akasiya mudzimai nemwana mudiki.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG