Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Vanhu Vafa paZororo reEaster muTsaona Gore Rino Vakawanda Kudarika Goere Rapera


Tsaona dzemumigwagwa dzauraya vanhu vakawanda pazororo reEaster gore rino zvichienzaniswa negore rapera

Mapurisa eZimbabwe Republic Police anoti kusvika pari zvino, vanhu makumi matatu nevaviri vafa, vamwe vanosvika zana nemakumi matanhatu nevatatu vakakuvara mutsaona dzemumigwagwa munyika yose pazororo rino reEaster.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa, Chief Superintendant Paul Nyathi, vanoti tsaona zhinji dziri kukonzerwa nevatyairi vanenge vachimhanyisa motokari dzavo, nevamwe vanenge vachida kupindira dzimwe motokari dzinenge dziri mberi kwavo.

Vanoti gore rino vane zvikwata zvakawanda zviri kushanda nesangano re traffic safety, pamwe nebazi rezvekutakurwa kwezvinhu vachiyambira veruzhinji kuti vazvibate kana vari mumigwagwa, kuitira kuti vasapinda mutsaona.

Gore rapera panguva ino, vanhu vanosvika gumi nevasere vakafa, makumi mapfumbamwe nevaviri vakakuvara mutsaona dzemumigwagwa.

Hurukuro naChief Superintendent Paul Nyathi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG