Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorambidza Nhengo dze31st July Movement Kubvisa Marara muMbare


Mapurisa edunhu reMbare arambidza nhengo dze31st July Movement kuchenesa musha uyu.
Mapurisa edunhu reMbare arambidza nhengo dze31st July Movement kuchenesa musha uyu.

Mapurisa edunhu reMbare muHarare arambidza nhengo dzesangano re31st July Movement kubvisa marara pamwe nekuchenesa nzvimbo dzeMatererini neMatapi achiti ibasa rekanzuru rekurasa marara.

Tsamba yakanyorerwa sangano iri neMugovera nemukuru wemapurisa mudunhu reMbare, VaJ. Mafoko inoti sangano iri parakamboshanda munzvimbo iyi richibvisa zvakare marara mazuva mashoma adarika rakazopedzisira rave kuita zvematongerwo enyika mushure mekuburitsa zvinyorwa zvine mazita aro.

Mapurisa anoti nekuda kwechiitiko ichi havangaenderere mberi nebasa rekubvisa marara iri, achiti ngarisiirwe kukanzuru yeHarare kuti iite izvozvo.

Nhengo dzesangano iri dzakanga dzakumbira mvumo kumapurisa kuti dzichenese nzvimbo dzeMatererini, Matapi pamwe nekubvisa marara akaunganidzwa pamberi pekamba yemapurisa yeMatapi neChipiri uyewo nemusi weChishanu dzonochenesa mumusika weMbare.

Studio 7 yakundikana kubata mukuru wemapurisa mudunhu reMbare, VaMafoko, avo vakasaina tsamba iyi.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati vanga vasati vanzwa nezvenyaya iyi, vachiti sezvo iri yedunhu vanogona kunge vangoipedzera ikoko vasina kuvapirawo.

Ukuwo, mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vatiwo panyaya yekuchenesa guta, kanzuru yavo inoshanda nechero sangano kana richinge rangopiwa chete mvumo nemapurisa.

Asi mumwe wevanhu vari musangano re31st July Movement vari mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanoti vakatyamadzwa zvikuru nedanho remapurisa iri.

VaNgarivhume vanoti zvinoshamisa kuti vebato reZanu PF vanobvumidzwa kuchenesa nzvimbo vachishanda vakatopfeka mbatya dzebato ravo asi ava vorambvbidzwa.

Asi vanoti vachaaenderera mberi nehurongwa hwavo neChipiri vachiti kana kuri kusungwa vanongosungwa vachiita zvavanofanirwa kuita, zvekubvisa tsvina munzvimbo dzavanogara.

Hurukuro naVaJacob Ngarivhume
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG