Accessibility links

Breaking News

'Komishini Yakazvimiririra Ingabatsira Vanhu Vanoshungurudzwa Nehurumende' - HRW


Mapurisa akarova vanhu zvakaipisisa

Zvichitevera kurohwa kwakaitwa vanhu vasina mhosva nemapurisa svondo rapfuura, sangano rinorwira kodzero dzevanhu, re Human Rights Watch (HRW), rinoti panofanira kuumbwa komishini yakazvimiririra kuti vanhu vawane batsiro yekumhangarira hurumende kana ichinge yavatadzira.

Nemusi we Muvhuro, vatsigiri vebato reMDC vakange vakamirira kunzwa mutungamiriri wavo, VaNelson Chamisa, vachitaura vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa akange akapakata zvombo.

Bazi re America rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika rakabudisa mashoko ekushora zvikuru zvakaitwa nemapurisa richiti hurumende inofanirwa kutevedzera bumbiro remutemo.

America inoti haisi kufara nemapurisa eZimbabwe arikushandisa masimba akapfurikidza pavanhu vakaungana pasina mhirizhonga sezvinobvumidzwa nebumbiro remutemo.

Mutevedzeri wegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika mubazi rinoona ne zvenyika dzemu Africa, kana kuti Assistant Secretary of State for U.S. Department of State’s Bureau of African Affairs, VaTibor Nagy, vati zviri pachena kuti hurumende ye Zimbabwe haisi kutevedza bumbiro remutemo wenyika iro rinobvumidza vanhu kuungana kana kuratidzira murunyararo, vachiti vanokurudzira hurumende ye Zimbabwe kuti iremekedze mitemo yenyika uye kuti irege vanhu vachiungana murunyararo sekuda kwavo.

Mukuru we Human Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vanoti pakagara paine komishini yakazvimiririra, zvingabatsira vanhu vazhinji sezvo komishini iyi ichizokwanisa kuferefeta zvinenge zvaitika uye ichibatsira vanhu kuendesa nyaya dzavo kumatare edzimhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG