Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anopinda Zvechisimba Mumba Memutori weNhau Mduduzi Mathuthu


Mduduzi Mathuthu
Mduduzi Mathuthu

Mapurisa akange akapakata zvombo nezuro akapinda zvechisimba mumba meumwezve mutori wenhau, Mduduzi Mathuthu, vachimutsvaka.

Masvondo maviri apfuura, mapurisa akapinda nechisimba vakasunga mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, uyo ari muhusungwa nanhasi wese.

Pakasvika mapurisa pamba paMathuthu vakawana asipo asi vakasecha imba yake ndokubva vatora hanzvadzi yaMathuthu vakaenda nayo kumahofisi avo, asi vakazomusunungura.

Pataenda pamhepo, Mathuthu ange achakavanda mapurisa.

Sachigaro wesangano rinomirira vatori venhau, reMedia Institute of Zimbabwe, VaGolden Maunganidze, vashora zvakaitwa nemapurisa, vakakurudzira hurumende kuti isatora vatori venhau sevavengi asi sevanhu vanoita basa rakakosha, kwete mu Zimbabwe mega asi pasi pose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG