Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorambidza VaChamisa Kuita Musangano Wavo neChitatu


Nelson Chamisa At Hope Of The Nation Address
Nelson Chamisa At Hope Of The Nation Address

Mapurisa arambidza bato guru rinopikisa reMDC kuita musangano waro mangwana apo mutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa, vange vakatarisirwa kuzivisa gwara richafamba nebato ravo pamwe nezvirongwa zvavachaita gore rino.

Vachitaura mushure memusangano weStanding Committee yebato bato iri muHarare, mutevedzeri wemutauriri weMDC, VaLuke Tamborinyoka, vati mapurisa arambidza kuti musangano uyu enderere mberi achiti akabatikana nekuvhurwa kwezvikoro.

VaTamborinyoka vati musangano uyu hauchaitwa mangwana nekuti MDC inoda kuti vatsigiri vayo vasarohwa kana kurwiswa nemapurisa.

Vati zviri pachena kuti mapurisa ari kuda kurwisa vatsigiri vebato iri sezvaakaita apo bato iri rakaronga kuratidzira mumaguta nemadhorobha ese munyika.

Vati musangano uyu, uyo wange une dingindira rekuti Agenda 2020, wange uchifanira kuitwa kuAmai Musodzi Hall kuMbare wave kuzoitwa nemusi weChipiri svondo rinouya panzvimbo ichaziviswa nekufamba kwenguva.

VaTamborinyoka vati MDC yaneta nekutorwa sesangano remagandanga uye iri kuzeya kuti yoramba ichitevedza mutemo here kana kuchinja maitiro.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri weZimbabwe Republic Police, ZRP, Assistant Commssioner Paul Nyathi, sezvo nhare mbozha yavo yange isiri kuita.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio7 kuti vanoona sekuti mapurisa ave kumbunyikidza MDC.

Muna Nyamavhuvhu gore rapfuura, ZRP yakarambidza MDC kuratidzira mumaguta nemadhorobha ese munyika ichiti yachityira kuti kuratidzira uku kwazokonzera mhirizhonga sezvainge zvaitika pakuratidzira kwainge kwaitika muna Ndira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG