Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anosunga VaPromise Mkwananzi


Promise Mkwananzi
Promise Mkwananzi

Mapurisa anodzivirira nyonganyonga kana kuti Anti-Riot Police apinda zvine chisimba munzvimbo inoshandira vatapi venhau yeMedia Centre akasunga nhengo yeTakajamuka mushure mekunge vaita musangano nevatori venhau vachishora zviri kuitwa nemapurisa zvekurova vanotengesa mumigwagwa.

Mapurisa ange aine mboma, pfuti nezvombo zvehutsi hunokachidza apinda muMedia Centre nechisimba achirova madziro nemboma dzawo nekukanganisa vatori venhau vange vachizviitira basa ravo.

Paapinda muMedia Center, mapurisa aya asunga nechisimba VaMakwananzi ndokuvaisa cheni mumaoko ndokuvasunda nechisimba vachibuda navo vakananga kuHarare Central Police.

Zvaitika ndezvekuti pane mamwe mapurisa ePolice Internal Security kana kuti PISI apinda mumusangano wanga uchitwa naVaMkananzi nevatori venhau achinyepedzera kunge vatori nenhau uye papera musangano vabva vaedza kusunga VaMkananzi uye pavaramba, mapurisa ePISI abvaa azokoka mapurisa ekudzivirira nyonga nyonga.

Mumwe mutori wenhau aona zvaitika, Sofia Mapuranga, ati haana kufara nemaitiro emapurisa aya kusunga munhu wavange vachitaura naye.

Mutauriri wesangano rinomirira vatapi venhau vechidiki, reYoung Journalists Association, VaLeopold Munhende, vati vange vave kutoenda apo vaona mapurisa achipinda nechisimba kuti azosunga VaMkwananzi.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, avo vange vasiri pabasa apo pauya mapurisa, vashora kuita kwemapurisa uku uye vati vachasvitsa chichemo kumapurisa mushure kana vachinge vanzwa zvizere pane zvaitika nhasi.

Sachigaro veMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, VaGolden Maunganidze, varatidzawo kusafara nekuita kwemapurisa.

Vati mapurisa anemvumo yekusunga vanhu asi kwete panzvimbo dzinoshandira vatapi venhau.

Vatiwo havatarisiri kuita kwakadai kubva kumapurisa zvikuru sei panguva ino apo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuti vashandi vehurumende vanofanira kuremekedza vanhu nekuita basa nemazvo.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vati vange vasati vave neruzivo rwezvaitika kuMedia Centre nhasi.

Zvichakadai, mapurisa aenderera mberi achirova vanhu vanotengesa mumigwagwa nhasi uye arova mumwe munhu zvakapisisa vakamusiya achibuda ropa mumusoro nemumhuno uye atozendeswa kuchipatara nevamwe vake.

Kanzuru yeHarare nemapurisa vari kubvisa vanhu vanotengesa mumigwagwa nechisimba vachiti vanhu ava vanofanira kuenda kunzvimbo dzakatarwa nenzira yekudzivirira kupararira kwechirwere chekorera icho chauraya vanhu vanodarika makumi matatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG