Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anosunga VaBiti neVamwe Vavo


VaTendai Biti vachitaura vasati vasungwa.
VaTendai Biti vachitaura vasati vasungwa.

Vamwe vakuru vebato reMDC Alliance vasungwa muHarare pamuzinda webato iri vachida kupinda muMorgan Tsvangirai House, iyo yakatorwa neChina manheru neMDC inotungamirwa naMuzvare Khupe.

Vasungwa ava vanosanganisira vatevedzeri vaviri vaVa Nelson Chamisa, VaTendai Biti na Amai Lynette Karenyi Kore.

Vamwe vasungwa nemapurisa vanosanganisira VaDavid Chimhini, VaLovemore Chinoputsa, Muzvare Gladys Hlatywayo nevamwe.

Vachitaura nevatori venhau vasati vasungwa, VaBiti vati vanga vauya kuzoti mapurisa vavabatsirwe kubudisa vanhu vakapinda pamuzinda wavo.

VaBiti vatiwo hapana magwaro ekumatare avakawana anoratidza kuti nhengo dzekwaMuzvare Khupe dzinofanirwa kutora muzinda weMorgan Tsvangirai House.

Asi munyori muMDC T, VaDouglas Mwonzora, avo vakatora muzinda uyu nezuro Manheru, vati Morgan Tsvangirai House ndeyavo sebato huye hapana chikonzero chekunotsvaka mapepa ekumatare edzimhosva kuti vashandise mahofisi avo.

Mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, vati kusungwa kwaitwa nhengo dzavo kunovashamisa nekuti vanga vachiita zviri pamutemo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauririri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti vasungwa ava vanga vatyora mutemo upi.

VaNyathi vati vanga vari mumusangano, nokudaro havakwanisi kutaura neStudio7.

Asi mapurisa asunga vatungamiriri ava vanga vachishevedzera kuti vari kuvasungira mhosva yekutyorwa mutemo une chekuita nekupararira kwechirwere cheCOVID-19.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG