Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oshanda neMauto Mukuchengetedza Mutemo


Armed soldiers patrol a street in Harare, Zimbabwe, Nov. 15, 2017.

Mapurisa nemauto anoti zvinhu zvagadzikana munyika zvichitevera kugadzwa kwemutungamiri wenyika mutsva, VaEmmerson Mnangagwa, uye mapurisa atanga zvakare kuita basa rawo rekuchengetedza mutemo asi achibatsirwa nemasoja zvikurusei muHarare.

Izvi zvaziviswa nemutauriri weZimbabwe Defence Forces, Colonel Overson Mugwisi, pamwe nemutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner, Charity Charamba, pamusangano wavaita nevatori venhau pamuzinda wemapurisa wePolice General Headquarters muHarare.

Mapurisa ainge ambobuda mumigwagwa svondo rapfuura apo mauto aiita chirongwa cheOperation Restore Legacy chekusunga vanhu vanonzi vaifurira vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaMugwisi naAmai Charamba vati kugadzwa kwaVaMnangagwa neChishanu chapfuura kwakaita zvinhu zvigadzikane munyika uye ivo vanotevedza zvakataurwa nemutungamiriri wenyika kuti munyika munofanira kuve nerunyararo vanhu vachitevedza mutemo.

Amai Charamba vati mapurisa achatanga kuita basa ravo zvekare uye achange ave kushanda nemasoja zvikuru sei muHarare.

Amai Charamba naVaMugwisi vati vave kutowana mashoko ekuti pane vamwe vanhu vave kutora zvinhu zvevanhu zvakaita sedzimba neminda uye izvi zviri kunze kwemutemo. Vati mapurisa nemauto achasunga vese vari kuita izvi.

VaMugwisi vati vachaedza pese pavanogona napo kuona kuti mutemo watevedzerwa.

Amai Charamba vakurudzira verruzhinji kuti varemekedze mapurisa nemauto apo anenge achiita basa rawo.

Pasi peOperation Restore Legacy mauto ndiwo ange ave kuita basa remapurisa uye izvi zvakafarirwa zvakanyanya neveruzhinji avo vanoti huwori hwakanyanya kumapurisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG