Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Akazvipira Kushandira Nyika Pasina Huori Mukati


Charity Charamba

Mapurisa eZimbabwe Republic Police anoti akazvipira kushandira nyika sezvinodiwa nebumbiro remutemo uye ane hurombo kana akatadza kuita izvi panguva yapfuura.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner, Charity Charamba, vaudza Studio 7 kuti mapurisa eZimbabwe RepublicPolice akazvipira kuita zvido zvevanhu nenyika.

Amai Charamba vanotiwo kunyange hazvo pane zvakaitika mapuris eZRP anotsidza kuti achaita basa rawo sezvinodiwa nebumbiro remutemo wenyika.

"Nyaya dzehuwori hadzidiwe zvachose uye veruzhinji vanofanira kushanda nemapurisa kudzivirira huwori munyika," vadaro Amai Charamba.

Pari zvino mapurisa anoonekwa seane huwori hunotyisa zvekuti veruzhinji havana chivimbo nawo.

"Tinozviziva kuti nyaya yakatsamwisa veruzhinji inyaya yemapurisa yekumira mumigwagwa kana kuti maRoadblocs. Kutanga izvo veruzhinji vachaona shanduko huru mumigwagwa," Amai Charamba vaudza Studio7.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTakura Zhangazha, vaudza Studio7 kuti zvakakosha kuti mapurisa aite chitsidzo chekuita basa rawo nemazvo.

Nezuro vakasanobata chinzvimbo chemukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, vakaita musangano nevakuru vemapurisa kubva kumatunhu ese enyika vakavaudza kuti vashandure maitiro uye kuti vaite zvido zvevanhu nenyika.

Vaimbove mukuru wemapurisa munyika, VaAugustine Chihuri, vakaenda pazororo vachimirira kusiya basa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG