Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorova Zvakaipisisa Muzvinabhizinesi kuNyanga


Tawanda Terera
Tawanda Terera

Mumwe muzvinabhizinesi weku Watsomba mudunhu reMutasa Central, VaTawanda Terera, vanonzi vakatorwa nechisimba vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa neChishanu manheru vachinzi motokari yavo yakaonekwa pachikoro chakabiwa zvinhu munharaunda yavanogara.

Kutaura kuno VaTerera vakachengetedzwa nemapurisa ekuNyanga.

VaTerera vakazvimba kumeso zvichitevera kurohwa kwavanonzi vakaitwa nemapurisa.

Kurohwa uku kunosanganisirawo kurohwa pasi petsoka. VaTerera inhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Mukuru wemapurisa pahofisi yeNyanga, Inspector Musiyiwa, vati havabvumidzwe kutaura nevatori venhau, vachiti tiridze runhare kuvakuru vavo kuHarare uko tatadza kuvabata.

Mumiriri weMutasa Central muparamende, VaTrevor Saruwaka vanoti havasi kufara chose nekusungwa kuri kuitwa nhengo dzeMDC.

VaSaruwaka vanoti mapurisa ari kutora vanhu usiku vachivarova nekuvapomera mhosva dzenhando nekuti vatsigiri veMDC

Gweta raVaTerera, VaBrian Majamanda, vaudza Studio 7 kuti VaTerera havasi kunzwa zvakanaka uye vanoda kuti vaendeswe kuchipatara nekukurumidza.

“Tichangobva mukuona VaTerera; vakarohwa zvikuru. Ziso ravo rakakuvara zvakaipisisa uye havasi kugona kufamba. Vakarohwa pasi petsoka ne maC.I.D.”, VaMajamanda vaudza Studio 7. “MaC.I.D. havana kukwanisa kumutora kumuendesa kuchipatara zvinove kutyora kodzero dzaVaTerera.”

VaMajamanda vati mapurisa ari kutyora kodzero dzevanhu mudunhu iri uye vari kupomera vanhu mhosva kuti vavasungire zvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG