Nechinangwa chekuda kuona kuti Zimbabwe yadzokera zvakare pakudyidzana nedzimwe nyika dzayaimbodyidzana nadzo kare, mubatanidzwa wevatungamiri vemapato akakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, wePolitical Actors Dialogue, POLAD, unoti une hurongwa hwekuita nhaurirano nenyika idzi, zvikuru dzakatemera vamwe vakuru muhurumende zvirango.
Izvi zvakaita kuti POLAD iumbe komiti ine vanhu vashanu ichatungamira mukusimudzira nhaurirano idzi, iyo ichange ichitungamirwa nemutungamiri webato reMDC-T, Muzvare Thokozane Khupe, vachitevedzerwa naDoctor Willard Mugadza vebato reBethel Christian Party.
Vamwe vari mukomiti iyi ndaVaKwanele Hlabangana, Amai Aplonia Munzverengwi, pamwe naVaKhalipani Phugeni, avo vanenge vari Mutauriri wekomiti iyi.
Doctor Mugadza vanoti komiti yavo ine hurongwa hwekuti mwedzi unouya waKurume vatange kushanyira nyika dzavari kuda kuti dzitange kudyidzana neZimbabwe, vachitanga nekuenda kuWashington D.C, vozoenda kuLondon, Brussels pamwe neFrance.
Asi vamwe vanosangasinira bato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, vanoti hapana chinoburitswa nekomiti iyi kunze kwekungotambisa mari shoma yenyika iripo iyoyo.
Vamwe vanoti chinofanirwa kuitwa kugadzirisa hupfumi hwenyika pamwe nezvematongerwo enyika.
Facebook Forum