Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaEmmerson Mnangagwa, Vanodzokorora Kuti Munyika Hamuna Matambudziko


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa. VaMnangagwa vadzokorora mashoko avo ekuti munyika hamuna dambudziko.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vadzokorora mashoko avo ekuti munyika hamuna dambudziko, vachiti mashoko ekuti munyika mune dambudziko ari kufambiswa pamadandemutande akanangana nekuzvidza kana kushoropodza hurumende yavo.

Vachitaura pamusangano wevakakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika wePolitical Actors Dialogue, kana kuti POLAD wechina waitirwa kumuzinda wavo weState House, VaMnangagwa vatiwo hurongwa hwekugoverwa kwevhu kuvatema hahufi hwakashandurwa vatema vachizotorerwa zvakare minda yavo.

Mutungamiri wenyika vatiwo zviri kuitika iye zvino zvekubhadhara vachena vakatorerwa minda yavo kuzadzisa zviri mubumbiro remitemo yenyika.

VaMnangagwa vatorawo mukana uyu kukoka vatungamiri vemapato anopikisa vasati vapinda muPOLAD kuti vatorewo mukana wekupinda muboka iri kuitira kuti vapewo mazano avo mukugadzirisa nyika, kwete kuti vataure vari kunze.

Panyaya yekuti munyika hamuna dambudziko, mashoko emutungamiri wenyika aya anogona kutsamwisa vakawanda, zvikuru vanopikisa hurumende nevanorwira kodzero dzevanhu, avo vari kuchema kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

Vanoti munyika hamuna kugadzikana vanoti nyaya dzekodzero dzevanhu, dzematongerwo enyika, pamwe nedzehupfumi ndezvimwe zvezvinhu zvinofanirwa kugadziriswa nekukasika.

Kusagadzikana kwezvinhu uku ndiko kwasvitsa kuti mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa varonge kutumira chikwata chenhengo dzebato ravo reANC kuti chinzwisise kuti zvinhu zvakamira sei munyika.

Chikwata ichi chiri kutarisirwa munyika chero nguva, uye chinotarisirwa kuti chichasangana nemapato anopikisa, vemakereke pamwe nevemasangano akazvimirira.

Chikwata chakambotumwa munyika naVaRamaphosa chakangosangana naVaMnangagwa chete chakadzokera chisina kusangana nevanopikisa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti kana VaMnangagwa vasiri kuona kuti munyika mune matambudziko hazvirevi kuti hamuna matambudziko.

VaNgwenya vanoti mutungamiri wenyika anofanirwa kunzwa kuchema kuri kuita vanhu nekusungwa, kupambwa, kushaya chekudya pamwe nemamwe mapoka ose ari kuti munyika mune dambudziko votora matanho, kwete kungoramba vachiti zvinhu zvakagadzikana.

Hurukuro naVaRejoice Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG