Accessibility links

Breaking News

POLAD neMasangano Akazvimirira Vanozeya Mitemo ine Chekuita neSarudzo


Sachigaro vekomiti inoona nezvemutemo muPOLAD, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vari zvakare mutungamiri webato reNCA
Sachigaro vekomiti inoona nezvemutemo muPOLAD, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vari zvakare mutungamiri webato reNCA

Gungano revatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika vakakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2018, rePolitical Actors Dialogue, kana kuti POLAD, rakabatana nemasangano anorwira kuti munyika muve nesarudzo dzakachena mukupera kwesvondo vakaita musangano wemazuva maviri kuNyanga wekuzeya nyaya yekuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo.

Izvi zvinotevera bhiri rakasvitswa kuparamende neZimbabwe Election Support Network, ZESN, pamwe mamwe masangano akazvimirira anosanganisira rine zvavanoti zvinofanirwa kugadziriswa sarudzo dza 2023 dzisati dzaitwa.

Nyaya dzinonzi dzakazeyiwa mumusangano uyu dzinosanganisira nyaya yekuti vanoongorora sarudzo vanobva kunze kwenyika vobvumidzwa nani kuti vange vachipinda munyika, uye kuti ndivanaani vanofanirwa kunge vari mukomiti inovheta vanobva kunze ava.

Vamwe vanonzi vaitsigira hurongwa huripo kare hwekuti komiti yeZimbabwe Electoral Commssion, ichishanda nemamwe mapazi ehurumende vaongorore vanoda kupinda kunoongorora sarudzo sezvo zviine nyaya dzekuchengetedzwa kwemukati munyika mukati.

Asi vamwe vanonzi vaiti izvi zvinofanirwa kuitwa nekomiti yakazvimirira isineyi nezvematongerwo enyika.

Kunyange hazvo musangano wevatungamiri wakapetwa, vamiriri vePOLAD vanonzi nhasi vanga vachienderera mberi nemusangano vachiita zvidzidzo zviri pamusoro pesarudzo.

Zvakaunganidzwa zvose zvinonzi zvichasvitswa kugurukota rezvemutemo, pamwe nezvakaunganidzwawo nemasangano akazvimirira, uye zvinotarisirwa kunge zvichizogadziriswa sarudzo dza2023 dzisati dzaitwa.

Svondo rapera rimwe bato risiri muPOLAD, reMDC Alliance, rakaparurawo zvarinoti zvinofanirwa kugadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa.

Sachigaro vekomiti inoona nezvemutemo muPOLDA vari mutungamiri webato reNCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti vemasangano akazvimirira vakaona zvakakosha kuti vaendewo kuPOLAD nezvavainazvo sezvo POLAD ine mukana wekusangana nemutungamiri wenyika pamwe nehurumende kuti vazeye kuti zvii zvingashandurwa mubumbiro maringe nemitemo inobata sarudzo.

Sachigaro veElection Resource Centre, VaTrust Maanda, vanotiwo musangano uyu waiwe wakakosha zvikuru sezvo wakavapa mukana wekuti vasvitsewo vhangeri ravo kune vamwe vari mune zvematongerwo enyika pamusoro penyaya dzesarudzo.

Musangano uyu wakapindwa nevatungamiri vemapato vari muPOLAD gumi nevsere pamwe nemasangano akazvimirira anosanganisira Election Resource Centre, Zimbabwe Election Support Network (ZESN, pamwe neZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Mutungamiri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa vainonzi vaive vakamirirwa nemunyori anoona nezvemitemo muZanu PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana.

Hurukuro naProfessor Lovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaTrust Maanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG