Accessibility links

Breaking News

Magaraji Otengesa Peturu neDhora rekuAmerica


Mafuta emotikari ave kunetsa kuwana munyika

Vazhinji vanotengesa mafuta edzimotokari vave kutengesa mafuta aya nemadhora ekuAmerica sezvo dambudziko iri riri kuramba richikura, uye magaraji anotengesa mafuta aya nemabhondi ave kuita mazuva asina kuwana mafuta izvo zvave kuita kuti vanhu vapedzewo mazuva vari mumitsetse.

Dambudziko remafuta riri kuramba richikura zvekuti mitsetse pamagaraji mazhinji yave kureba zvekudarika makiromita maviri.

Mafuta aya ari kuwanikwa zvakanyanya kumagaraji anotengesa nemadhora ekuAmerica, asi mari iyi iri kunetsa kuti veruzhinji vaiwane.

Magaraji anotengesa mafuta aya nemabhondi ndiwo ari kuita mitsetse yakarebesa.

VaProblem Masau vaudza Studio 7 kuti vakatenga mafuta nemadhora ekuAmerica mushure mekupedza mazuva akawanda vachitenderera neguta vachishaya mafuta.

Vanoti vakatenga mafuta nemutengo we$1.32,uyo unovewo mutengo wepeturu nemabhondi.

Pataenda pamhepo, gurukota rinoona nezvemhando dzemoto, VaJorum Gumbo, vange vasiri kubatika sezvo vari kunze kwenyika.

VeZimbabwe Energy Regulatory Authority avo vakakumbira hurumende kuti vapihwe mvumo yekubvumidza magaraji kutengesa mafuta edzimotokari nemari yekuAmerica, vange vasina kupindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Zimbabwe, iyo inoshandisa mamiriyoni zana nemakumi maviri emadhora ekuAmerica kutenga peturu nedhiziri, yakatarisana nedambudziko remari yekunze rinotyisa.

Asi sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto, VaJoel Gabuza, vaudza Studio 7 kuti zvavakavimbiswa naVaMangudya handizvo zviri kutika.

VaGubuza vanoti nyaya yemari yekunze ndiyo inofanira kugadziriswa kuti nyika iwane mafuta edzimotokari.

Vanoongorora zvematongerwo enyika nenyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika munyika zvinoratidza kuti hurumende yapererwa.

Vati vamwe vave kutengesa peturu nedhiziri nemari yekuAmerica uye iri ndiro gwara rinofanira kutevedzwa.

Svondo rapfuura, hurumende yakarambidza kambani yeDelta kutengesa hwahwa nezvimwe zviniwa nemari yekuAmerica ichivimbisa kuti ichatsvagira kambani iyi mari yekunze.

Zimbabwe haina zvainotengesa kunze zvakawanda zvingaiwanise mari yekunze inokwana uye dambudziko rekushaikwa kwemari rinotarisirwa kuramba riripo kusvika muna Kubvumbi apo nyika inotanga kutengesa fodya.

Fodya ndiyo inopinza mari yekunze kudarikwa zvimwe zvinhu zvese munyika.

Zimbabwe inoshandisa mamiriyoni mana nemamiriyoni matatu emarita edhiriziri neputuru mwedzi wega wega uye VaMangudya vanoti huwandu hwemafuta aya huri kukwira nekuda kwekuti motokari dzawanda zvakanyaya munyika.

Zimbabwe ine mota miriyoni nemazana masere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG