Accessibility links

Breaking News

Musangano weVarairidzi neHurumende Inotadza Kugadzirisa Zvinetswa


VaObert Masaraure
VaObert Masaraure

Masangano anomiririra vadzidzisi aita musangano nevakuru mubazi rezvedzidzo umo munyori mubazi rezvedzidzo, Amai Tumisang Thabela, vakurudzira masangano aya kuti vanyorerane pasi mashandiro avanoda kuita nebazi rezvedzidzo.

Vamwe vapinda mumusangano uyu uye vari mutungamiriri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti musangano uyu hauna kubata zvinonetsa vadzidzisi kana kuedza kugadzirisa zvinhu zvinonetsa munyaya yedzidzo.

“Zvizhinji zvatange tichitaura hazvinei nezvemashandiro atinoita kumabasa kwedu. Musangano uyu wange uri waPermananat Secretary mutsva achizivana nemaUnion; achikumbira maUnion kuti vanyorerane pasi mashandiro avanoda kuita nebazi rezvedzidzo,” VaMasaraure vaudza Studio 7.

Studio7 haina kukwanisa kubata Amai Thabela kuti tinzwe divi ravo.

VaMasaraure vati musanagano uyu hauna zvikuru zvawabatsira nazvo uye chirongwa chevadzidzisi chekurega basa svondo rinouya hachina kuchinja.

Svondo rakapera, sangano reARTUZ rakazivisa kuti kutanga musi wa 7 Ndira 2019, nhengo dzaro dzicharamwa basa kwenguva isingazikanwi kusvika hurumende yanzwa zvichemo zvavo.

Studio7 haina kukwanisa kubata vamiriri vemamwe masangano evarairidzi.

Asi VaMasaraure vati hurongwa hwekurega basa huchaenderera mberi svondo rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG