Accessibility links

Breaking News

VaPerence Shiri Vanovigwa paNational Heroes Acre muHarare


Health officials carry the coffin of Zimbabwean minister Perence Shiri, who died of COVID-19, during his burial in Harare.
Health officials carry the coffin of Zimbabwean minister Perence Shiri, who died of COVID-19, during his burial in Harare.

Vanga vari gurukota rezvekurima, VaPerence Shiri, avo vakashaya neCovid-19 nemusi weChitatu, varadzikwa neChishanu paNational Heroes Acre muHarare vachirumbidzwa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

VaMnangagwa vakurudzirawo vana chiremba nevakoti kuisa zvido zvenyika pamberi nekudzokera kubasa kuitira kuti vabatsire kudzvirira kuparara kwechirwere cheCovid-19 ichi chapararira pasi rese.

Vachutaura pakuradzikwa kwegamba iri, VaMnangagwa varumbidza mushakabvu semunhu aive nerudo, aida runyararo, aifarira basa rake uye aizvininipisa kunyange hazvo aive gurukota rehurumende.

Vati mushakabvu akarwa hondo yerusunungoko zvaidadisa, uye pakushaya kwake, munhu ange ave kusimudzira mabasa ekurima nebazi rake rezvekurima.

VaMnangagwa vati VaShiri vaida kuti vanhu vabatane nekugara murunyararo pamwe nekugara zvakanaka izvo zvinove zvavakaendera kuhondo.

Asi mutevedzeri wemunyori mubazi reZapu, VaMjobiza Noko, vati havabavumirani nemashoko aVaMnangagwa, vachiti VaShiri nevamwe vavo, vakakonzera kusagadzikana kuMatabeleland neMidlands panguva yeGukurahundi izvo zvinozikanwa nenyika yese.

VaMnangagwa vakurudzira vana chiremba, vakoti nevamwe vashandi vezvehutano kuti vaise zvido zvezvinyika kumberi nekudzokera kumabasa kuitira kuti vabatsire kudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vati ino ndiyo nguva yekushanda zvakasimba kudzvirira Covid -19 vachiti kurega vanhu vachifa hazvina wazvinobatsira.

Asi munyori mubazi remachiremba anorwira kodzero dzevanhu, Doctor Norman Matara, vaudza Studio7 kuti vanachiremba nevakoti vari kutoita izvi uye hurumende inofanira kuvabhadhara mari dzinoita kuti vakwanisewo kuzviriritira nemhuri dzavo.

Vatiwo hurumende inofanira kuisa zvikwanisiro pamwe nehanzu dzekuzvidzirvirira kubva kuCovid-19 muzvipatara zvose zvemunyika.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, zvakare vari munyori anoona nezvehutano muMDC Alliance, Dr Henry Madzorera, vaudza Studio7 kuti hapana angada kushandira mahara ivo VaMnangagwa nevamwe vavo vari pamutambara kede.

Dr Madzorera vati kubatwa kwaitwa vakuru vakuru muhurumende vakaita saVaShiri neCovid-19 kuchasvinudza VaMnangagwa nevamwe vavo kuti vagadzirise zvinhu muzvipatara.

VaShiri vange vave nemakore makumi matanhatu nemashanu.

Vakapinda muchiuto pakawana nyika rusunguko muna 1980, vakwira kusvika pachigaro chekuva mukuru wemauto emuchadenga kusvika muna Mbudzi 2017 apo vakazodomwa kuve gurukota rezvekurima mushure mekunge mauto abvisa pachigaro vaive mutungamiriri wenyika, muchakabvu Robert Mugabe.

VaShiri ndivo vaive mukuru wemauto e Fifth Brigade ayo anopomerwa mhosva yekuuraya vanhu vanodarika zviuru makumi maviri panguva yeGukurahundi kumatunhu eMidlands neMatabeleland.

Mauto eFifth Brigade akadzidziswa basa rawo kwemakore maviri nemauto zana nematanhatu akabva kuNorth Korea, uye paaive mumatunhu eMatabeleland neMidlands kubva muna 1983 kusvika muna 1987, mauto eFifth Brigade aishanda nebazi reNational Security, iro raive pasi paVaMnangagwa kubva muna 1980 kusvika muna 1988.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG