Accessibility links

America Inovimbisa Kuramba Ichitsigira Chirongwa chePepfar muZimbabwe


Amai Carol Thomson O'Connell.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvedunhu reAfrica muhurumende yeAmerica, Amai Carol Thompson O’Connell, vanoti mari yekurwisa HIV/Aids inopihwa Zimbabwe nehurumende yenyika yavo haisi kuzoderedzwa.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekuratidzwa muzinda wePopulation Services International (PSI) muHarare, Amai O’Connell vati vari kutarisira kuti mari yerubatsiro iri kuuya pasi pePEPFAR yekurwisa HIV/AIDS mugore rinouya ichawedzerwa.

Amai O’Connel vatiwo gore rino Zimbabwe yakapiwa mari inosvika mamiriyoni zana nemakumi mashanu emadhora yekurwisa dambudziko reHIV/AIDS.

Amai O’Connell vatiwo vari kutarisira kuti hurumende yeZimbabwe igadzirise nyaya dzehupfumi hwenyika pamwe nenyaya dzezvematongerwo enyika kuitira kuti kudyidzana kweZimbabwe neAmerica kufambire mberi.

Amai O’Connell vati PEPFAR iri kushanda zvakanakisa nebazi rezveutano, vakatiwo muonerapamwe wakakosha mukurwisa dambudziko reHIV/AIDS.

Amai O’Connell vari kusanganawo nemasangano akazvimiririra pamwe nemakurukota ehurumende akasiyana-siyana kusanganisira gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa.

Chirongwa chePepfar chakatangwa nevaimbove mutungamiri weAmerica, VaGeorge Bush, muna Ndira 2003 chiine mari inoita mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora ekurwisa HIV/AIDS, malaria, nerurindi.

Chirongwa ichi chikasimudzirwawo naVaBarack Obama apo vakaitwa mutungamiri weAmerica muna 2009.

Asi zvichitevera kusarudzwa kwaVaDonald Trump semutungamiri weAmerica, masangano akawanda muZimbabwe anga otyira kuti rubatsiro rwunobva kuAmerica rwunogona kuderedzwa, kana kubviswa zvachose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG