Accessibility links

Breaking News

Homwe yeAmerica yePEPFAR Inopa Mari Kune Vanorarama neH-I-V Yekudzivirira COVID-19


Homwe yePEPFAR yagara inobatsira nemari vanorarama nehutachiwana hweHIV/Aids munyika.
Homwe yePEPFAR yagara inobatsira nemari vanorarama nehutachiwana hweHIV/Aids munyika.

Hurumende yeAmerica yapa rubatsiro rwemari inoita madhora zana nemakumi mashanu ezviuru zvemari yekuAmerica kuburikidza nehomwe yePresident’s Emergency Plan for Aids Relief, (PEPFAR), iyo ichabatsira vanorarama nehutachiwana hweH-I-V mukudzivirira chirwere che COVID-19.

Mashoko aburitswa nemuzinda weAmerica uri muZimbabwe anoti mari iyi ichashandiswa kutenga zvinhu zvakaita sesipo, migoro, nzvimbo dzekugezera maoko, pamwe nemishonga inouraya hutachiwana yekuzora mumaoko kana kuti sanitizers, zvichapiwa kumasangano agara achibatsirwa nehomwe iyi.

Mari iyi inonzi ichashandiswawo zvakare mukudhinda magwaro anopa ruzivo pamusoro pechirwere cheCOVID-19 ichi.

Mwedzi wapera America yakapa World Health Organisation mari inoita mazana mana nemakumi manomwe ezviuru zvemadhora yekuti ibatsire Zimbabwe mukurwisana ne COVID-19.

Mukuru anoona nezvezvirongwa musangano reNational Aids Council, VaRaymond Yekeye, vanoti sesangano vanotenda zvikuru nezvaitwa nehomwe yePEPFAR izvi sezvo Zimbabwe iri kudawo rubatsiro rwekurwisanawo nechirwere cheCOVID-19 senyika dzose pasi rino.

Mari iyi inonzi ichasvitswa kumasangano matatu agara anoshanda nePEPFAR anoti OPHID, I-TECH neZACH, ayo achazoita basa rekugovera zvinhu izvi.

Hurukuro naVaRaymond Yekeye
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG