Accessibility links

Breaking News

People’s Rainbow Coalition Inoti Masoja Ari Kuvhiringa Misangano Yavo


Joice T.R. Mujuru, PRC
Joice T.R. Mujuru, PRC

Mubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition, PRC, unoti misangano yawo iri kuvhiringidzwa nemauto kuMasvingo South.

PRC inoti mauto ari pamudyandigere pamwe nemauto achiri pabasa ari kuvhiringidza misangano yayo yekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo.

Inoti mauto aya ari kutyityidzira vatsigiri vayo achiti achavarova kana vakasavhotera Zanu PF musarudzo.

Mutauriri weNational People's Party, inova nhengo yePRC, VaJeffrey Chitando, vanoti mauto ari kutadzisa vatsigiri vavo kuuya kumisangano yavo vachivatyityidzira nemhirizhonga seyakaitika muna 2008.

VaChitando vanoti zvinokatyamadza kuti mauto aya, ayo vatipa mazita avo, anouya kumisangano yavo achidaidza vanhu parutivi vachivatyityidzira zviri kuita kuti vanhu ava vabve pamisangano yavo isati yapera vachityira hupenyu hwavo.

VaChitando vanoti mauto ari kunyepera veruzhinji achiti haasi kupindira mune zvematongerwo enyika kumaruwa, asi iwo achiswera achityityidzira vanhu.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri wemauto, Colonel Overson Mugwisi, kuti tinzwe kuti seyi mauto ari kupindira munyaya dzematongerwo enyika.

VaMugwisi vakaudza vatori venhau kuti mauto haabvumidzwe nemutemo kupindira mune zvematongerwo enyika.

Vari kukwikwidza musarudzo yemumiriri weMasvingo South vakamirira PRC, VaLawarence Mavhaire, vaudza Studio 7 parunhare kuti mauto akakanganisa musangano wavo paNyamande musi weChitatu.

Sachigaro weZanu PF muMasvingo, VaEzra Chadzamira, varamba kuti bato ravo riri kushandisa mauto kutyityidzira vanhu kuti rikunde musarudzo.

Asi PRC inoti yakamhangara nyaya iyi kumapurisa eku Muchakata Police station, uye kune vari kuongorora sarudzo vakabava kune dzimwe nyika.

Asi mutauriri wemapurisa muMasvingo, Amai Charity Mazula, varamba kutaura nezvenyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG