Accessibility links

Breaking News

Zvinzvimbo zvePDP Zvokwikwidzwawo Zvisineyi Kuti Matare Akati Nhengo Idzi Hadzina Kudzingwa Zviri paMutemo


Settlement Chikwinya MP Kwekwe
Settlement Chikwinya MP Kwekwe

Dzimwe nhengo dzakabva kuPeople’s Democratic Party dziri muMDC A, idzo dzakadzingwa muparamende neMDC-T, asi dzikanzi nedare reSupreme Court kudzingwa kwadzo hakusi pamutemo, dzinoti zvigaro zvadzo zviri kukwikwidzwa muna Kurume.

Vachitaura neStudio 7 mumwe wevakadzingwa ava, VaSettlement Chikwinya vaimiririra Mbizo, vati magweta avo akadzokera kumatare mushure mekunge mekunge matunhu avanomiririra adomwa kuti kuchange kuchiitwa sarudzo dzema by –elections.

VaChikwinya vatiwo nekuda kwekuti havana ruzivo kuti zvii zvichaitika nenyaya yavo vave mushishi rekugadzirirawo maby-elections vachiti uyu mukana zvekare wekuti vanhu vemuMbizo varatidze simba ravo nekusarudza mutungamiriri wavanoda.

VaWillias Madzimure, avo vakadzingwawo muparamende vaudzawo Studio 7 kuti zviri kuitika izvi zvinoratidza kusashanda kwemitemo munyika.

VaMadzimure vati vakamboedza kudzokera kudare reNational Assembly kakawanda vachidzingwa vakati yange iri tariro yavo yekuti mutauriri weNational Assembly, VaJacob Mudenda, avo vakaverenga tsamba yekudzingwa kwavo vavanyorere zvakare kuti vave kukwanisa kudzoka.

VaMadzimure vatiwo ivo nevamwe vavo vanhu vasina kumbomira kushandira vakavasarudza nekudaro hapana chingavanetsa kukwikwidza zvakare pama by-elections.

Tsamba yekudzinga vatanhatu ava yakanyorwa naVaBenjamin Rukana avo vaiti ndivo munyori kuPDP asi vakazoruza nyaya iyi kumatare

Vachibvunzwa nezvenyaya iyi, VaMudenda vati havadi kutaura nezvenyaya iyi vachiti titaure nevakadzingwa ava.

Patabvunzawo sachigaro wesangano rinoona nezvesarudzo munyika, Amai Priscilla Chigumba, kuti vachaenderera mberi nesarudzo dzemaby-elections kunzvimbo nhanhatu idzihere kana kuti kwete, vati tifonere vanoona nezvesarudzo, VaUtoile Silaigwana, avo vanga vasiri kudavira nharembozha yavo.

Pamusoro pevaviri ava vamwe vakadzingwa vanosanganisira vaive mumiririri weHarare East , VaTendai Biti, Sichelisile Mahlangu wePumula, VaRegai Tsunga veMutasa South pamwe naVaNhlahla Pulu vaimiririra Nkulumane.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG