Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vanoti Vanoda Mitemo Inoisa Zvido Zvavo Mberi


Vanhu vakaremara vanoti havasi kufara nezviri mubhiri re Persons with Disabilities, iro ravanoti harina kuisa zvido zvavo pamwe nezvikamu zvavanoda kuti zvivamirire muparamende.

Vachitaura pamusangano waitwa muMasvingo wekuongorora bhiri rakapasiswa nedare remakurukota, uye ratarisirwa kuenda kuparamende, vakaremara vati bhiri iri rakasiirira zvakawanda zvinobata kodzero dzavo, kusanganisira dzekumirirwa mudare remakurukota nemuparamende.

Mukuru webasa musangano rinomiririra vasingaoni, re Zimbabwe Association of Visually Handicaped, VaTimothy Mudarikwa, vati bhiri iri harina kupa zvikamu zvinofanira kumirira vakaremara muparamende nemudare remakurukota.

Vakaremara vanoti munyika mune vanhu vakaremara vanosvika mamiriyoni maviri, nokudaro vanofanira kuve nevamiriri vanoenderana nehuwandu hwavo mudare reparamende.

Vakaremara vati vanoda vamiriri zvikamu zvinotangira pagumi kana pagumi nezvishamu kubva muzana kunge zviri muparamende.

Vakaremara vati pari zvino vanomirirwa muparamende nezvikamu zviviri kubva muzana chete, izvo vati zvishona.

Mumwe wevange vari pamusangano uyu, Amai Nyunyutai Mudzingwa, vati ivo kunze kwekumirirwa muparamende, vave kudawo zvikamu gumi kubva muzana mudare remakurukota nekuti ndimo munofambiswa basa rose rehurumende.

Pastor Cover Mugwadi, avo vanoshanda nesangano re Disability Amalgamated Community Trust, vatiwo bhiri iri rinofanira kuve nemutemo unoita kuti vapuhwe zvikamu zvinopfuura gumi kubva muzana pakupinzwa mabasa, mungave muhurumende, kana makambani akazvimirira.

Chipangamazano muhofisi yemutungamiri wenyika, VaJoshua Malinga, avo vange vari pamusangano uyu, vati bhiri iri rinogona kuvandudza hupenyu hwevakaremara, asi panodiwa mari kuti zviitike.

Vachitaurawo pamusangano uyu, chipangamazano muUNICEF munyayaya dzevakaremara, Dr Christine Peta, vati donzvo remusangano uyu ranga riri rekunzwa pfungwa dzevakaremara kuitira kuti bhiri iri rigadziriswe.

Bhiri iri rinotarisirwa kuzeyiwa muparamende risati rapasiswa kuti rizosainwa kuita mutemo nemutungamiri wenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG