Accessibility links

Breaking News

General Chiwenga Vorumbidzwa muZimbabwe


Mukuru WeMauto, VaConstatine Chiwenga

Vakarwa hondo yerusununguko pamwe neveruzhinji munyika varumbidza mukuru wemauto, General Constantine Chiwenga, segamba risina rusarura vachiti mushure mekutora simba kumutunganiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChipiri, vangadai vakazvigadza semutungamiri wenyika asi vari kuzvisiira kune vezvematongerwo enyika kuti vaite izvi.

Kunyange hazvo kune dzimwe nyika mauto achizvigadza pachigaro mushure mekubvuta masimba, mauto eZimbabwe National Army haana kuita izvi uye anoti anoda kugadzirisa zviri kunetsa munyika chete.

Mumwe mugari wemuHarare asina kuda kudomwa nezita audza Studio7 kuti izvi zvakaitika nekuda kwaGeneral Chiwenga avo vati vari kutungamira mauto zvine hunyanzvi.

Amai Bealah Masauso vatiwo zvaitwa nemauto zvaratidza kuti Gen Chiwenga mutungamiri asina makaro.

Sachigaro wesangano revakwirwa hondo yerusununguko, VaChris Mutsvangwa, vatiwo pasi paGen Chiwenga mauto eZimbabwe aratidza kuti mauto evanhu uye anoda kuti vanhu vagare zvakanaka munyika mavo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaItai Madzivaidze, vati kunyange hazvo kutambura kwevana veZimbabwe pasi pehutongo hwaVaMugabe kwakatanga kare, vamwe vaitungamira mauto kare havana kuratidza hushingi sehwaratidzwa naVaChiwenga hwekubvisa VaMugabe pachigaro.

Gen Chiwenga ndivo mukuru wemauto wechitatu kubva pakawana Zimbabwe kuzvitonga muna 1980. Vakatora chinzvimbo ichi kubva kunaGen Vitalis Zvinavashe, ava vainge vasiirwa basa iri naGen Solomon Mujuru.

Gen Chiwenga vakazvarwa musi wa 25 Nyamavhuvhu muna 1956 kuHwedza, uye vakaenda kuhondo muna 1973.

Gen Chiwenga vakapinda muZimbabwe National Army muna 1981 umo vakakwidziridzwa kudzamara vasvika pachigaro chavainacho nhasi.

Zvichakadai, veruzhinji munyika nevarwiri vehondo yerusununguko vachaita gungano guru muHarare neMugovera wekutsigira basa rakaitwa nemauto rekubvisa VaMugabe pachigaro.

VaMugabe vari kuramba vakaoma musoro vachiti ndivo vachiri kutungamira kunyange hazvo veruzhinji vari kufarira kuti vasiye basa.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG