Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veSangano rePeople Power Vanoratidzira paMuzinda weNigeria muHarare


Vechidiki vesangano rePeople Power varatidzira pamuzinda weNigeria muHarare vachinyunyuta nekuurayiwa kwevanhu nemapurisa.

Vechidiki vesangano rinonzi People Power, varatidzira pamuzinda weNigeria uri muHarare vachishoropodza kwavanoti kushungurudzwa nekuurayiwa nemauto nemapurisa kwevechidiki vari kuratidzira munyika iyi.

Murongi wemisangano musangano rePeople Power, VaMakomborero Haruzivishe, vanoti ivo sevechidiki, vanoshushikana zvikuru nemashoko ari kubuda muNigeria pamusoro pemabatirwo anonzi ari kuitwa vanhu vari kuratidzira munyika iyi, izvo zvaizoita kuti vatume nhume dzavo kunosvitsa gwaro renyunyuto kumuzinda weNigeria.

Asi VaHaruzivishe vanoti vashandi vepamuzinda uyu varamba kutambira gwaro ravo vachiti anofanirwa kuritambira anga asipo, chiitiko chavanoti chavatsamwisa zvaita kuti varonge kuzodzokera zvakare kunoratidzira muhuwandu hwavo muzuva ravachazoronga.

Kuratidzira muNigeria kwakatanga musi wa07 mwedzi uno zvizvarwa zvenyika iyi zvichinyunyuta zvichida kuti rimwe bazi remapurisa rinorwisana nehumbavhara, reSpecial Anti-Robbery Squad (SARS) riparadzwe vachiti raityora kodzero dzevanhu.

Nhepfenyuro yeBBC inoti mutungamiri wenyika iyi VaMuhammadu Buhari vakazivisa kuti vanhu vanosvika makumi matanhatu nevapfumbamwe vafa mukuratidzira uku.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi revekumuzinda weNigeria muZimbabwe sezvo nhare dzavo dzanga dzisiri kudairwa.

VaHaruzivishe vanoti sangano ravo, iro rakaumbwa muna Ndira wegore rino, riri kuratidzira munyika richinyunyuta nezvekutyorwa kwekodzero dzevanhu, uye zviri kuitikawo muAfrica yose.

Hurukuro naVaMakomborero Haruzivishe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG