Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanoti Hapana Chitsva Chakanyanya Mudare reMakurukota aVaMnangagwa


Va Emmerson Mnangagwa
Va Emmerson Mnangagwa

Vanhu vakawanda vari kushora dare remakurukota rakadomwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti dare iri rakazara nevanhu vagara muhurumende kwenguva yakareba.

Asi vamwe vanoti veruzhinji havafanirwe kukasika kushora vasati vaona zvichaitika.

Mumwe mudzimai wechidiki, Muzvare Thando Kwinji, avo vanoshanda nesangano reYouth for Innovation Trust, vatiwo kunze kwekusave nevanhukadzi vakawanda mudare iri, asuwiswawo nenyaya yekuti dare remakurukota harina kana munhu mumwe chete wechidiki.

Mutauriri webato reZAPU, VaIphithule Maphosa, vati masarudziro akaitwa naVaMnangagwa makurukota avo anoratidza pachena kuti bato reZanu PF ishiri ine muririwo wayo uye harichinje.

VaMaphosa vatiwo VaMnangagwa vapotsa mukana wekuti varatidze vanhu kuti ivo vanotevedzera mutemo vachiti vangadai vasina kudoma makurukota ematunhu asi kuti vawone kuti pagadzwa makanzuru ematunhu sezvinotaurwa mubumbiro remitemo yenyika.

Mutauriri webato reNational People’s Party, VaJeffryson Chitando, vatsinhirawo kuti zvaitwa naVaMnangagwa zvinoratidza kuti bato reZanu PF ibato rinokoshesa zvenhoroondo yakare risingatarise zvemberi.

Asi mukuru wesangano reAffirmative Action Group mudunhu reMatabeleland, VaReginald Shoko, vati vanhu havafanirwe kunyanya kushushikana nenyaya yekuti makurukota asarudzwa ndivanani, asi kuti vanofanirwa kutarisisa kuti ivo VaMnangagwa pachavo vachange vachipa hurumende gwara ripi.

VaMnangagwa vakasarudza dare remakurukota rine vanhu makumi maviri nevaviri, uye makurukota anomirira matunhu gumi munyika.

Pamakurukota aya, pane vanhu vaviri vanga vari mauto, vanoti Major General Sibusiso Moyo, na Air Marshal Perrance Shiri.

Pane makurukoa masere akadomwa naVaMnangagwa asiri nhengo dzeparamende, izvo zvinonzi zvinotyora bumbiro remitemo yenyika, iro rinosungira VaMnangagwa kudoma vanhu vashanu chete vasiri nhengo dzeparamende.

Nyaya Yatinopiwa Na Taurai Shava
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG