Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokuvadzwa Mumhirizhonga yeMDC-T kuBulawayo


Nhengo dzeMDC-T dzarwisana zvikuru kuBulawayo mapurisa akasheyedzwa, asi azosvika mhirizhonga iyi yapera.

Mumhirizhonga iyi makuvara vanhu vakaendeswa kuchipatara, avo vanosanganisira mutevedzeri wemutungamiri webato, Muzvare Thokozani Khupe, pamwe nemubatsiri wavo, VaWitness Dube..

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kuenderera mberi kwemhirizhonga mubato iri kunofanira kumiswa nekukurumidza.

Nyanzvi mune zvamatongerwo enyika uye vari mukuru we Human Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti MDC-T ibato rinopa vanhu vazhinji tarisiro yakanaka, nokudaro vakuru vebato iri vanofanirwa kugadzirisa nyaya yemhirizhonga vanhu vasati vaora moyo.

VaMavhinga vaudza Studio 7 kuti, “Ndinoona kuti vazhinji vanotsigira bato reMDC-T vanhu verunyararo asi vanokatyamadzwa nekuvhunduswa nenyaya dziri kuitika asi kana pakashaikwa chinoitwa zvinogona kuti nyaya yemhirizhonga inyanye kuwedzera mumusangano nekuti vanhu vanenge vofunga kuti hapana zvinoitwa nevakuru vebato.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG