Accessibility links

Breaking News

Vakawanda muNyika Voisa Tarisiro paHurumende Ichaumbwa naVaMnangagwa


Vanhu Vane Vimbo Kuti Hurumende Itsva Ichagadzirisa Zvinhu
Vanhu Vane Vimbo Kuti Hurumende Itsva Ichagadzirisa Zvinhu

Vanhu vakawanda vanoti vane tarisiro yekuti zvinhu zvichanaka nekukurumidza munyika zvichitevera kugadzwa kwakaitwa VaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika mutsva.

Vakawanda vevanhu ava vanoti dambudziko guru ranga ratarisana nenyika hutongi hwevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, hwavanoti veruzhinji kusanganisira dzimwe nyika, vainge vasisina chivimbo nahwo.

Kunyange vashandi vemumakanzuru akawanda vainge vasisatambire mari dzemihoro, vanhu vachitadza kuwana mari dzavo kumabhangi ukuwo

vashandi vehurumende vainge vasisazive zuva ravanotambira mari yavo

zvairatidza kuti hurumende yakangaisina hurongwa hwekupedza matambudziko munyika nechimbichimbi.

Mumwe mushandi wekanzuru yeKariba, VaFish Mucheza, avo vanoti vave negore nemwedzi mitatu vasingatambire, vane tarisiro yekuti vave kuzohora nekuda kwehutungamiri hutsva.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaPanashe Tsomondo, avo vane bhizinisi rekutengesa midziyo yekuvakisa, vanoti vari kutarisira kupera kwedambudziko rekushayikwa kwemari kumabhangi.

Mumwe mugari wekuAlaska VaEdmore Mazarure vanotiwo vanhu vachanyatsoona kusiyana kwaVaMnangagwa naVaMugabe nekufambiswa kwesarudzo munyika.

VaMazarure vanoti nyika ine nhorowondo yekusafambiswa zvakanaka kwesarudzo nekudaro vanhu vakawanda vakatarisira shanduko pamabatirwo esarudzo, kubvira mukutsvaga rutsigiro, kana kuti ku campaigner,

kusvika mukuburitswa kwezvinenge zvabuda musarudzo, kana kuti ma results.

Vanoona nezvematongerwo enyika muChinhoyi VaJohn Marava vanoti vanhu vave netariro yakakura munaVaMnangagwa nekuti ivo nemauto vakakwanisa kubvisa VaMugabe pachigaro izvo zvaidiwa neveruzhinji munyika zvinova zvakatadza kuitwa nemapato ezvematongerwo enyika akaita seMDC-T inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

VaMarava vanoti kuperera kwaVaMnangagwa mubasa rekushandura hurumende kuchatanga kuonekwa pavachasarudza makurukota avo svondo rino.

Nekuda kwekuparara kwezvinhu zvakawanda munyika zvinosanganisira hupfumi hwenyika, kushayikwa kwemabasa,kuparara kwezvivakwa nemigwagwa

pamwe nenzara yanga yatekeshera munyika, vamwe vanoti VaMunangagwa vane mutoro wakakura nyika isati yaenda kusarudzo gore rinouya.

Asi vamwe vanoti VaMnangagwa vanofanira kupihwa mukana sezvo vatanga basa ravo zvakanaka nekushamwaridzana nenyika dzaivengwa naVaMugabe dzakaita seBritain neAmerica uye vanozivikanwa kuti vakatungamira chirongwa chemaguta, che Command Agriculture, zvakanaka gore rapera, izvo zvakapa varimi vakawanda goho rakawanda.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG