Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Peace Project Inoti Kutyorwa kweKodzero dzeVanhu muMapato Kuri Kukwira


Muzvare Jestina Mukoko
Muzvare Jestina Mukoko

Sangano reZimbabwe Peace Project, ZPP, rinoti kurwisana nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kwadzikira pakati pemapato anopikisa asi kwave kukwira mukati memapato aya.

Mukuru weZPP, Muzvare Jestina Mukoko, vanoti Harare yapinda mberi kwenzvimbo zhinji mukutyorwa kwekodzero dzevanhu uye vachitivo nyaya dzine chekuita nesarudzo dziri kuwanda kumatare edzimhosva nokuti hurumende haisi kuteerera zvainoudzwa nemasangano akazvimiririra akaita seravo.

“Chanyanya kukonzera kuti Harare ipinde mberi kwedzimwe nzvimbo mukutyora kodzero dzevanhu inyaya yekuti MDC-T yange ichiita sarudzo dzayo dzekutsvaka vanhu vachanomirira bato musarudzo yemwedzi unouya,” Muzvare Jestina Mukoko vanodaro.

Vanoti nokuda kwaizvozvo nekusanzwanana kwange kuripo panyaya dzekuti vagone kuwirirana kuti ndiani achanomirira bato uye kuti anosarudzwa sei, zvanga zvichikonzera kufutirana kwevanhu kwakanyanyisa.

"Ndizvo zvimwe zvakaita kuti nyaya dzemhirizhonga dziti wandeyi,” vanowedzera

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG