Accessibility links

ZPP: Mapurisa Aityora Kodzero Zvikuru Mauto Asati Apindira


VaOkay Machisa vachipa madzimai zvipo zvemachira

Sangano re Zimbabwe Peace Project, ZPP, rinoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika kwakadzikira mumwedzi wa Mbudzi, panguva iyo kurwisana mubato reZanu PF kwaitsviriridza.

Sachigaro weZPP, VaOkay Machisa, vanoti kunyange hazvo kupindira kwakaitwa nemauto kwakadzikisa kutyorwa kwekodzero dzevanhu zvakanyanya, shuviro yavo ndeyekuona mauto achidzokera kunogara kubharaki awo.

VaMachisa vanotiwo huwandu hwevanhu vakamhang'ara vachiti vakanga vasiri kubatwa zvakanaka nemauto hwakakwirira.

Vati ongororo yavakaita inoratidza kuti mapurisa aityora kodzero dzevanhu zvikuru mauto asati apindira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG