Accessibility links

Breaking News

ZPP Inoti Hurumende Ngaigare Pasi Itaurirane neMunhu Wese


Vanhu vachiratidzira kukwidzwa kwemutengo wemafuta emotikari
Vanhu vachiratidzira kukwidzwa kwemutengo wemafuta emotikari

Mukuru weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vanoti sangano ravo riri mubishi rekuedza kutaura nevashandi varo vari munzvimbo dzakasiyana siyana munyika kuti vanzwe zvichemo zvevanhu vakashungurudzwa panguva yekuratidzira..

Vanhu vazhinji vakapinda mumigwagwa vachiratidzira mushure mekunge hurumende yakwidza mutengo wemafuta emotikari Mugovera wapfuura.

Sachigaro weZimbabwe Peace Project, VaOkay Machisa, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika muZimbabwe zvinogona kuramba zvichienderera mberi mumwedzi inotevera.

VaMachisa vanoti zvese zviri kuitika iyambiro huru kuhurumende kubva kuvanhu vari kuiudza kuti vaneta uye havachakwanisa kuramba vachingoudzwa kuti varambe vakashinga.

“Zvaitika izvi, iyambiro hurusa inoenda kuhurumende kuti izive kuti vanhu vakatsutsumwa uye vari kutambudzika. Hurumende ngaigare pasi nemunhu wese: angave makereke, vemapato anopikisa kana ‘civil society’kuitira kuti tienderere mberi semhuri,” vaMachisa vaudza Studio 7.

Muzvare Mukoko vati zvichatora nguva kuunganidza zvese izvi nekuti nhare nenharembozha pamwe chete nemadandemutande hazvisi kushanda zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG