Accessibility links

Breaking News

NPRC Yoferefeta Gakava Riri kuChisumbanje


VaObert Gutu.
VaObert Gutu.

Komisheni inoona nezverunyararo munyika yeNational Peace and Reconciliation Commission (NPRC) inoti iri kuongorora zviri kukonzera gakava reminda kuChisumbanje mudunhu reManicaland.

Mutauriri weNPRC, VaObert Gutu, vanoti nhengo dzekomisheni yavo dzatova nemasvondo anosvika maviri dzichiongorora nyaya yekubviswa kwevanhu kuChisumbanje nevemabhizimusi makuru izvo zviri kukonzera mvongamupopoto munzvimbo idzi.

Kunzvimbo yeChisumbanje vagari vekuChinyamukwakwa vari kunetsana nekambani yeGreenFuel iyo iri kuvatorera minda nepavagere ichiti inoda kurima nzimbe. Kambani iyi yakapihwa mvumo iyi nehurumende.

VaGutu vati kana komisheni yavo yaongorora nekuunganidza zvese zvainenge yawana, ichazivisa zvainokurudzira sekomisheni kuitira kuti kusawirirana uku kugadziriswe.

Mumwe mugari wekuChinyamukwakwa, VaJerry Moyana, vaudza Studio 7 kuti komishini yeNPRC yakasvika kunzvimbo yavo ikataura nevagari ichivabvunzurudzwa zviri kukonzera gakava pakati pevagari nekambani iri kurima nzimba munzvimbo iyi.

VaMoyana vatiwo komishini iyi yakavavimbisa kuti ichadzoka zvakare kuzovazivisa zvainenge vayawana huye zvavanenge vachikurudzira kuti zviitwe senzira yekugadzirisa dambudziko iri.

Mutauriri weGreen Fuel, Muzvare Merit Rumema, vati vanga vasingakwanisi kutaura nesu sezvo vanga vakabatikana nemusangano wavanga vari kupinda.

Gakava reminda pakati pevagari nekambani yeGreen Fuel rava nemakore richinetsa zvekuti Zimbabwe Humjan Rights Commission yakamboedzawo kugadzirisa dambudziko iri muna 2018 asi ikakundikana.

Kunetsana uku kwakatanga muna 2008 apo hurumende yakapa mvumo kambani yeGreen Fuel kuti irime nzimbe muminda iri muChisumbanje.

Mune imwewo nyaya, sangano rakazvimirira rinoona nezverunyararo, reNational Transitional Justice Working Group, kana kuti NTJWG, rinoti ranyorera NPRC kuti iferefete kuti ndiyani akaba dombo rekurangarira vafi rakaiswa kuSilobela kupera kwaNyamavhuvhu rikawanikwa risiko musi wa1 Gunyana.

Murongi wemabasa muNTJWG, VaFortune Kuhudzehwe, vanoti aka hakasi kekutanga izvi zvichiitika.

VaGutu vaudza Studio7 kuti komiti yavo haisati yatambira tsamba iyi, uye ikatambira tsamba iyi ichaongorora zvainenge yaudzwa.

Dombo iri raiva raiswa zvinyorwa senzira yekurangarira vanhu gumi nevaviri vakapambwa vakatsakatika muna Ndira 1985 panguva yeGukurahundi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG