Zimbabwe inonzi yave kukwanisa zvakare kuvhota mugungano reUnited Nations General Assembly, UNGA, mushure mekubhadhara chikwereti chayo chemadhora zviuru makumi masere nechimwe nemazana manomwe ane makumi manomwe emari yekuAmerica, kana kutu US$81 770.00.
Zimbabwe yakave imwe yenyika gumi dzakanga dzarasikirwa nekodzero yadzo yekuvhota muUNGA nepamusana pekukundikana kubhadhara miripo yadzo yepagore, izvo zvakaita kuti dzipinde muzvikwereti.
Dzimwe nyika dzaisanganisira Libya, Somalia, Congo, Central Africa Republic neSouth Sudan ndidzo dzakanga dzamiswa pamwechete neZimbabwe.
Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza, vatenda kuti Zimbabwe yabhadhara chikwereti chayo, vachiti vari kukurudzirawo kuti hurumende ibhadhare zvikwereti zvayo kumasangano anoti African Union, SADC neCOMESA.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuhurumende kuti ichakwanisa here kubhadhara mari idzi kumasangano aya sekurudziro iri kuitwa naVaParadza.
Ngatinzweyi vachitsanangura.
Facebook Forum