Accessibility links

Breaking News

Chigaro chaPolitical Commissar Chinopihwa Vane Nhoroondo yeHondo muZanu PF


Va Patrick Chinamasa

Munyori mukuru wesangano revakarwa hondo, re Zimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaVictor Matemadanda, vanoti sangano ravo rinotambira nemufaro mashoko akaziviswa nemunyori anoona nezvemitemo mubato re Zanu-PF, Va Patrick Chinamasa.

Izvi zvinotevera mashoko aVaChinamasa ekuti chigaro chemunhu anoona nezvegwara remusangano, kana kuti Political Commissar, chichabatwa chete nemunhu akarwa muhondo kana kuti ane nhoroondo yehondo yerusununguko.

VaChinamasa vakazivisa kuti pfungwa iyi ichasvitswa kukongiresi ye Zanu-PF iri kuitwa muna Zvita kuti uve mutemo webato iri.

Vatiwo izvi zviri kuitirwa kugadzirisa zvanga zvava kuitwa nevanhu vakaita savana Va Savior Kasukuwere, zvekusundira vakarwa hondo kure kuti zvisaitika zvekare.

Hurukuro NaVaVictor Matemadanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG