Accessibility links

Breaking News

Varwere Votambura Zvichitevera Kuramwa Mabasa kwaVana Chiremba


Zimbabwe Doctors On Strike
Zimbabwe Doctors On Strike

Vamwe varwere muBulawayo vange vachitadza kurapwa pazvipatara zvikuru zviviri zvehurumende zviri muguta iri apo kuramwa basa kwaana chiremba kwapinda muzuva rechina neChipiri.

Pasvika Studio7 pachipatara cheMpilo panguva dzemasikati, vamwe varwere vange vachidzoserwa kumba zvichinzi kwange kuchingorapwa avo vanenge vachinyanya kurwara vakaita semadzimai ane pamuviri vanenge vaita dambudziko pakuzvara.

Mumwe mugari uyo angozvidoma nezita rekuti Amai Dlamini audza Studio7 kuti ange auya kuchipatara nasekuru vake vari kuzvimba makumbo vakaudzwa kuti vadzokere kumba sezvo vange vasingakwanise kuonekwa naana chiremba.

Taedza kunzwa mamiriro ezvinhu kubva kumukuru wechipatara ichi, VaLeonard Mabande, asi vati titaure nevakafanobata chigaro chemukuru wemadhokotera, Dr Xolani Ndlovu, avo vati vange vasingakwanise kutaura nesu sezvo vange vane basa rakawanda rekuita.

Pachipatara cheUnited Bulawayo Hospitals bandiko rechipatara ichi rinorapa vanhu vanorwara vachibva kumba kana kuti Outpatients Department range rakavharwa uye chiziviso chakapiwa nemukuru waana chiremba pachipatara ichi, Dr Narcisaus Dzvanga, chinoratidzawo kuti chipatara ichi chiri kungotambira chete vanhu vanenge vachinzi vari kurwarisisa.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Mthabisi Bhebhe, vati vana chiremba vari kuenderera mberi nekuramwa mabasa munyika mose zvisinei nekurudziro yehurumende yekuti vadzokere pamabasa vachiti havasati vanzwa kubva kuhurumende.

Dr Ndlovu vati kusamira zvakanaka kwezvinhu muzvipatara kusanganisira kushaikwa kwemishonga nezvimwe zvikwanisiro ndicho chikonzero chikuru chiri kuita kuti varamwe mabasa.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehumende sezvo tatadza kubata gurukota rezvehutano, Dr Obadiah Moyo.

Asi mutevedzeri waDr Moyo, Dr John Mangwiro, vaudza Studio7 parunhere kuti vange vasingakwanise kutaura nezve nyaya iyi sezvo vari kunze kwenyika ukuwo munyori webazi iri, Dr Gerald Gwinji, vange vasingadaire nharembozha yavo.

Mumiriri weBulawayo Metropolitan Province pasi pechikamu cheproportional representation, Amai Dorcas Sibanda, vaudza Studio 7 vati nyaya yekuramwa mabasa kwaana chiremba yave nenguva ichiitika vachiti zvinorwadza kuti hupenyu hweveruzhinji hunoiswa panjodzi nezvinhu zvinofanirwa kugadziriswa nehurumende.

Vana chiremba vanoshandira hurumende vakatanga kuramwa mabasa nemusi weMugovera uye muzvipatara zvikuru zvehurumende muri kushanda vana chiremba vanenge vachibva vava nemakore akawanda vari pabasa vanoshanda savanna chipangamazano, kana kuti consultant physicians.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG